Joshua 6:25
Joshua 6:25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Joshua akasiya Rahabhi chifeve, nemhuri yake navose vokwake, nokuti akanga avanza varume vakatumwa naJoshua savasori kuJeriko, uye agere pakati pavaIsraeri nanhasi uno.
Joshua 6:25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
Joshua 6:25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa akararamisa Rahabhu, pfambi iya, nevemhuri yababa wake navose vokwake, nanhasi uno mukadzi iyeyu agere mukati mavaIsiraeri nokuti akahwandisa nhume dzakanga dzatumwa naJoshuwa kundosora Jeriko.
Joshua 6:25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi Joshua wakarega Rakabi, cifeʋe ciya, ari mupenyu, iye naʋeimba yaɓaɓa ʋake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo; iye akagara pakati paIsraeri kuȿikira nhasi; nokuti wakaŋga aʋanza nhume dzakatumŋa naJoshua kundoshora Jeriko.