Joshua 5:4-6
Joshua 5:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti. Vanhu vose vakabuda vakanga vadzingiswa asi vose vakaberekerwa mugwenga vachibva kuIjipiti vakanga vasina. VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi.
Joshua 5:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti. Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa. Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi.
Joshua 5:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero chokuti Joshuwa avadzingise ndechokuti, pavanhu vose vakabuda muIjipiti vechirume, varwi vose vehondo vakanga vatofira murenje vachiri murwendo, vabva kuIjipiti. Kunyange zvazvo vanhu vose vakabuda muIjipiti vakanga vadzingiswa, asi vanhu vose vakaberekerwa munzira murenje vabva kuIjipiti vakanga vasina kudzingiswa. Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi.
Joshua 5:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Joshua akaʋadziŋgisa nemhaka iyi, nokuti ʋanhurume ʋose ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, iʋo ʋarume ʋehondo, ʋakaŋga ʋafira panzira murenje pakuɓuɗa kwaʋo Egipita. Nokuti ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa Egipita ʋakaŋga ʋadziŋgiswa; asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaponerwa murenje panzira pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa. Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci.
Joshua 5:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)