Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 5

5
1Madzimambo ose avaAmori akanga ari kumhiri kwaJorodhani nechokumadokero, namadzimambo ose avaKanani aigara munyasi megungwa, pavakanzwa kuti Tenzi akaomesera vaIsiraeri mvura yaJorodhani kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakati papata nokutya, vakapererwa nesimba pamusana pavaIsiraeri.
Kudzingiswa kwavaIsiraeri paGirigari
2Panguva iyoyo Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Gadzira mapanga amabwe omusarara udzingise vaIsiraeri zvakare.” 3Saka Joshuwa akagadzira mapanga amabwe egwenya, ndokudzingisa vaIsiraeri kuGibheatihaararoti. 4Chikonzero chokuti Joshuwa avadzingise ndechokuti, pavanhu vose vakabuda muIjipiti vechirume, varwi vose vehondo vakanga vatofira murenje vachiri murwendo, vabva kuIjipiti. 5Kunyange zvazvo vanhu vose vakabuda muIjipiti vakanga vadzingiswa, asi vanhu vose vakaberekerwa munzira murenje vabva kuIjipiti vakanga vasina kudzingiswa. 6Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi. 7Saka vana vavo, vaakaisa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshuwa. Vakanga vari vanhu vasina kudzingiswa nokuti vakanga vasina kudzingiswa munzira.
8Vanhu vose pavakapedza kudzingiswa vakambogara munzvimbo dzavo, mumatendhe imomo kusvikira vapora. 9Tenzi akati kuna Joshuwa, “Nhasi uno ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwenyu kwokuIjipiti.” Ndosaka zita renzvimbo iyoyo richinzi Girigari kusvikira pari nhasi. 10VaIsiraeri pavakanga vakadzika matendhe avo kuGirigari, vakadyirapo Pasika pazuva regumi nechina remwedzi iwoyo kumanheru mumapani eJeriko. 11Mangwana acho, pasika yapera pazuva rimwechetero vakadya zvirimwa zvenyika iyoyo, chingwa chisina mbiriso nembesanwa dzakakangwa.
12Rava ramangwana acho, zvemana zviya zvakabva zvapera, pavakadya mbesa dzenyika iyoyo. VaIsiraeri havana kuzopiwa mana zvakare, asi vakadya zvirimwa zvenyika yeKanani mugore iroro.
C: KUKURIRWA KWEJERIKO
13Joshuwa paakanga ava pedyo neJeriko, akatarisa akaona mumwe murume amire mberi kwake muruoko rwake aiine bakatwa rakazvomhorwa muhara. Joshuwa akamuvinga akamuti, “Ko iwe uri wedu here, kana kuti uri mumwe wavavengi vedu?”
14Iye akati, “Kwete. Asi ndauya somutungamiriri wehondo yaTenzi.” Ipapo Joshuwa akati pasi zvambarara, achimuremekedza achiti, “Changamire, chiiko chamunoda kutaura neni muranda wenyu?”
15Mutungamiriri wehondo yaTenzi akati kuna Joshuwa, “Bvisa shangu mutsoka dzako nokuti paumire inzvimbo inoera,” Joshuwa ndokuita saizvozvo.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshuwa 5: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda