Joshua 5:13-14
Joshua 5:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?” Iye akapindura achiti, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake akanamata, uye akamubvunza achiti, “Ishe wangu, mune shoko reiko kumuranda wenyu?”
Joshua 5:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, “Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?” Iye akati, “Kwete, asi ndauya ini mukuru wehondo yaJehovha.” Ipapo Joshua akawira pasi nechiso chake, akanamata kwaari, akati kwaari, “Ishe wangu unoreveiko kumuranda wake?”
Joshua 5:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa paakanga ava pedyo neJeriko, akatarisa akaona mumwe murume amire mberi kwake muruoko rwake aiine bakatwa rakazvomhorwa muhara. Joshuwa akamuvinga akamuti, “Ko iwe uri wedu here, kana kuti uri mumwe wavavengi vedu?” Iye akati, “Kwete. Asi ndauya somutungamiriri wehondo yaTenzi.” Ipapo Joshuwa akati pasi zvambarara, achimuremekedza achiti, “Changamire, chiiko chamunoda kutaura neni muranda wenyu?”
Joshua 5:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona murume amire pakatarisana naye, akaɓata munondo wake wakavomorwa muruʋoko rwake; Joshua akaenda kwaari, akati kwaari: Uri mumŋe weɗu here, kana waʋaʋeŋgi ʋeɗu? Iye akati: Kwete, asi ndaʋuya ini mukuru wehondo yaJehova. Ipapo Joshua akawira pasi neciso cake, akanamata kwaari, akati kwaari: Ishe waŋgu unoreʋeiko kumuranda wake?
Joshua 5:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)