Joshua 5:13
Joshua 5:13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Joshua akati ava pedyo neJeriko, akasimudza meso ake akaona murume amire pamberi pake akabata munondo wakavhomorwa muruoko rwake. Joshua akaenda kwaari akabvunza achiti, “Uri mumwe wedu here kana wavavengi vedu?”
Joshua 5:13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaona murume amire pakatarisana naye, akabata munondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; Joshua akenda kwaari, akati kwaari, “Uri mumwe wedu here, kana wavavengi vedu?”
Joshua 5:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Joshuwa paakanga ava pedyo neJeriko, akatarisa akaona mumwe murume amire mberi kwake muruoko rwake aiine bakatwa rakazvomhorwa muhara. Joshuwa akamuvinga akamuti, “Ko iwe uri wedu here, kana kuti uri mumwe wavavengi vedu?”
Joshua 5:13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Joshua wakati ari Jeriko akasimudza meso ake, akatarira, akaʋona murume amire pakatarisana naye, akaɓata munondo wake wakavomorwa muruʋoko rwake; Joshua akaenda kwaari, akati kwaari: Uri mumŋe weɗu here, kana waʋaʋeŋgi ʋeɗu?
Joshua 5:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)