Joshua 5:11-12
Joshua 5:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva raitevera shure kwePasika, musi wacho chaiwo, vakadya zvimwe zvezvibereko zvenyika iyoyo: chingwa chisina mbiriso nezviyo zvakakangwa. Mana yakabva yaguma musi wakatevera shure kwokudya zvokudya zvenyika iyoyo; vaIsraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore iroro.
Joshua 5:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nomusi uyo, uri musi wakatevera Pasika, vakadya zvibereko zvenyika iyo, zvingwa zvisina kuviriswa pamwechete nehura dzakakangwa nomusi iwoyo. Mana ikaguma nomusi wakatevera uyo wakadya nawo zvibereko zvenyika iyo; vana vaIsiraeri havana kuzova nemanazve, asi vakadya zvibereko zvenyika yeKenani gore irero.
Joshua 5:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mangwana acho, pasika yapera pazuva rimwechetero vakadya zvirimwa zvenyika iyoyo, chingwa chisina mbiriso nembesanwa dzakakangwa. Rava ramangwana acho, zvemana zviya zvakabva zvapera, pavakadya mbesa dzenyika iyoyo. VaIsiraeri havana kuzopiwa mana zvakare, asi vakadya zvirimwa zvenyika yeKanani mugore iroro.
Joshua 5:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomusi uyo, uri musi wakateʋera paseka, ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika iyo, ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa pamŋe cete nehura dzakakaŋgwa nomusi iwoyo. Mana ikaguma nomusi wakateʋera uyo waʋakadya nawo ɀiɓereko ɀenyika iyo; ʋana ʋaIsraeri haʋana‐kuzoʋa nemana ɀe, asi ʋakadya ɀiɓereko ɀenyika yeKanani gore irero.
Joshua 5:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)