Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 1:9-11 - Compare All Versions

Joshua 1:9-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda.” Ipapo Joshua akarayira vatungamiri vavanhu achiti, “Pindai mumusasa mutaurire vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu. Mukati memazuva matatu muchayambuka Jorodhani urwu kuti mupinde mutore nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Joshua 1 BDSC

Joshua 1:9-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.” Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati, “Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, ‘Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Joshua 1 SNA2002

Joshua 1:9-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ko handina‐kukuraira here? Simba, utsuŋge mŋoyo; usatya kana kuvunduswa, nokuti Jehova Mŋari wako unewe kwose kwaunoenda. Ipapo Joshua akaraira ʋatariri ʋaʋanhu, akati: Pindai napakati pemisasa, muraire ʋanhu, muti: Ɀigadzirirei mbuʋa, nokuti mazuʋa matatu acigere kupera mucafanira kuyambuka Joridani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu, iʋe yenyu.

Pakurirana nevamwe
Joshua 1 SUB1949

Joshua 1:9-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.” Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, “Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Joshua 1 SCLB

Joshua 1:9-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Joshua 1 SCLBD