Joshuwa 1:9-11
Joshuwa 1:9-11 SCLBD
Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.” Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, “Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ”


