Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 21:1-12

Johani 21:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake, paGungwa reTibheriasi. Vakanga vakaungana ipapo vaiva vanaSimoni Petro, Tomasi (ainzi Dhidhimo), Natanieri aibva kuKana yeGarirea, vanakomana vaZebhedhi, pamwe chete navamwe vadzidzi vaviri. Petro akati kwavari, “Ndava kuenda kundoredza,” uye ivo vakati, “Nesuwo tichaenda newe.” Vakabuda vakapinda mugwa, asi usiku ihwohwo havana chavakabata. Mangwanani-ngwanani, Jesu akamira pamahombekombe, asi vadzidzi havana kuziva kuti akanga ari Jesu. Akadanidzira kwavari akati, “Vana mune hove here?” Vakapindura vakati, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai mambure enyu kurutivi rworudyi rwegwa mugobata.” Vakati vaita izvozvo, vakasagona kukweva mambure nokuda kwokuwanda kwehove. Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura. Vamwe vadzidzi vakatevera vari mugwa, vachikweva mambure akanga azara nehove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe, asi makubhiti anenge mazana maviri. Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamuchangobva kubata.” Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombekombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka. Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 21

Johani 21:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi; akazviratidza kudai: VanaSimoni Petirosi, naTomasi, ainzi Dhidhimo, naNataneri, weKana yeGariria, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vadzidzi vake, vakanga vari pamwechete. Simoni Petirosi akati kwavari, “Ndonobata hove.” Vakati kwaari, “Nesu tinoendawo newe.” Vakabuda, vakapinda muigwa; asi usiku uhwo havana kubata chinhu. Zvino kwakati kwaedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu. Zvino Jesu akati kwavari, “Vana, mune hove here?” Vakamupindura, vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kuhukweva nokuwanda kwehove. Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vakauya nekagwa, vachikweva usvasvi hune hove, nokuti vakanga vasiri kure nenyika asi makubhiti anenge mazana maviri. Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.” Simoni akakwira muigwa, akakwevera usvasvi kumucheto, hwakanga huzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai usvasvi hahuna kubvaruka. Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 21

Johani 21:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Shure kwaizvozvi Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake kuGungwa reTibheriasi. Akazviratidza sezvizvi. Simoni Pita naTomasi anonzi Mapatya naNatanieri wokuKana yokuGarirea navana vaZebhedia navamwe vadzidzi vake vaviri vakanga vari pamwechete. Simoni Pita akati kwavari, “Ndavakuenda kundobata hove.” Ivowo vakati kwaari, “Handei pamwechete.” Vakabuda vakapinda mugwa asi usiku ihwohwo hapana chavakabata. Mambakwedza Jesu akamira pamahombekombe asi vadzidzi havana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwavari, “Nhai varume, pane chamabata chokusevesa here?” Vakamupindura vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi hwenyu kurudyi rweigwa munodzibata.” Saizvozvo vakahukanda vakabva vavakutadza kuhukakata nokuwanda kwehove. Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vaya vakauya vari mugwa vachikakata usvasvi huzere hove, nokuti vakanga vasiri kure namahombekombe; vakanga vari chinhambwe chinenge mamita makumi mapfumbamwe. Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa. Jesu akati, “Uyai nedzimwe hove dzamabata.” Naizvozvo Simoni Pita akadzokerazve mugwa akakwevera usvasvi kumahombekombe hwakanga huzere hove huru dzaiva zana namakumi mashanu nenhatu. Kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda kudaro usvasvi hauna kubvaruka. Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 21

Johani 21:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaɀiratidza ɀe kuʋadzidzi ʋake paguŋgwa reTiberiasi; akaɀiratidza kuɗai: ƲanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanaeri, weKana yeGarirea, naʋanakomana ʋaZebedi, naʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋadzidzi ʋake, ʋakaŋga ʋari pamŋe cete. Simoni Petro akati kwaʋari: Ndondoɓata hoʋe. Ʋakati kwaari: Nesu tinoenda ʋo newe. Ʋakaɓuɗa, ʋakapinda mugwa; asi ʋusiku ubgo haʋana‐kuɓata cinhu. Ɀino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi ʋadzidzi ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti ndiJesu. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ʋana, muneciseʋo here? Ʋakamupindura, ʋaciti: Kwete. Akati kwaʋari: Kandai rutaʋa kurutiʋi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo ʋakakanda, ʋakasagona ɀino kurukweʋa nokuwanda kwehoʋe. Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa. Asi ʋamŋe ʋadzidzi ʋakaʋuya nekagwa, ʋacikweʋa rutaʋa runehoʋe, nokuti ʋakaŋga ʋasi kure nenyika asi makubiti aneŋge mazana maʋiri. Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika, ʋakaʋona mŋoto wamazimbe waʋeswa, nehoʋe yakaiswa pamsoro pawo, neciŋgwa. Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai nedzimŋe hoʋe dzamakaɓata ɀino. Simoni akakwira mugwa, akakweʋera rutaʋa panyika, rwakaŋga ruzere nehoʋe huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyaŋge dzaiʋa zhinji dzikaɗai, rutaʋa haruna‐kubvaruka. Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai, muȿuȿure. Kwakaŋga kusinomumŋe waʋadzidzi ʋake wakatsuŋga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Ʋaciziʋa kuti ndiyeShe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 21

Johani 21:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)