Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 21:1-12

Johani 21:1-12 SNA2002

Shure kwaizvozvo Jesu akazviratidzazve kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi; akazviratidza kudai: VanaSimoni Petirosi, naTomasi, ainzi Dhidhimo, naNataneri, weKana yeGariria, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vadzidzi vake, vakanga vari pamwechete. Simoni Petirosi akati kwavari, “Ndonobata hove.” Vakati kwaari, “Nesu tinoendawo newe.” Vakabuda, vakapinda muigwa; asi usiku uhwo havana kubata chinhu. Zvino kwakati kwaedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu. Zvino Jesu akati kwavari, “Vana, mune hove here?” Vakamupindura, vachiti, “Kwete.” Akati kwavari, “Kandai usvasvi kurutivi rworudyi rwegwa mugowana.” Ipapo vakakanda, vakasagona zvino kuhukweva nokuwanda kwehove. Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vakauya nekagwa, vachikweva usvasvi hune hove, nokuti vakanga vasiri kure nenyika asi makubhiti anenge mazana maviri. Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa. Jesu akati kwavari, “Uyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.” Simoni akakwira muigwa, akakwevera usvasvi kumucheto, hwakanga huzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai usvasvi hahuna kubvaruka. Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe.

Verenga chikamu Johani 21