Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 14:12-26

Johani 14:12-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba. Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita. “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu. Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri. Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri. Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.” Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye. Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma. “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:12-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anotenda kwandiri, mabasa andinoita, iye achaaitawo, achaita makuru kunaawa; nokuti ndinoenda kuna baba. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti baba vakudzwe muMwanakomana. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita. “Kana muchindida, muchachengeta mirayiro yangu. Neni ndichakumbira baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; ndiye Mweya wechokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti agere nemi, achava mukati menyu. “Handingakusiyi muri nherera; ndinouya kwamuri. “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni; asi imi munondiona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. “Ane mirayiro yangu, akaichengeta, ndiye anondida; anondida achadikanwa nababa vangu; neni ndichamudawo, ndichazviratidza kwaari.” Judhasi (asati ari iye Isikarioti) akati kwaari, “Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu; nababa vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita ugaro hwedu maari. Asingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, harisi rangu, asi nderababa vakandituma. “Zvinhu izvozvi ndakakuudzai ndichigere nemi. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, achatumwa nababa muzita rangu, iye achakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, anotenda mandiri achaitawo mabasa andinoita uye achaita mabasa akatokura kupinda aya nokuti ndava kuenda kuna Baba. Chiri chose chamunokumbira muzita rangu ndichachiita kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana. Kana mukakumbira chii zvacho muzita rangu ini ndichachiita. “Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu. Iniwo ndichakumbira Baba, ivo vachakupai mumwe Murevereri achava nemi nokusingaperi. Ndiye uya Mweya wechokwadi iyeyo pasi pano hapagoni kumugamuchira nokuti hapamuoni kana kumuziva; imi munomuziva nokuti anogara nemi uye achava mamuri. “Handikusiyei muri nherera ndichauyazve kwamuri. Kwasara chinguvana chiduku, pasi hapazondiona. Asi imi muchandiona zvenyu pamusana pokuti ini ndiri mupenyu imiwo muchava vapenyu. Ipapo ndipo pamuchaziva kuti ini ndiri muna Baba vangu imi muri mandiri iniwo ndiri mamuri. Munhu ane mitemo yangu achiichengeta, ndiye munhu anondida; uyo anondida achadidawo naBaba vangu iniwo ndichazviratidza kwaari.” Judhasi, kwete Isikarioti, akati kwaari, “Tenzi nemhaka yei muchizviratidza kwatiri musingazviratidzi kunyika.” Jesu akamupindura achiti, “Kana munhu achindida anochengeta izwi rangu Baba vangu vachamuda tozobva touya kwaari toita musha wedu maari. Munhu asingandidi haachengeti mazwi angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti nderaBaba vakandituma. “Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri ndichinemi. Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene achatumwa naBaba muzita rangu, iye achakudzidzisai zvinhu zvose achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:12-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita. Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari. Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma. Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi. Asi Munyaradzi, Mŋeya Mutȿene, ucatumŋa naƂaɓa muzita raŋgu, iye ucakudzidzisai ɀose, nokukuyeʋudzirai ɀose, ɀandakareʋa kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 14

Johani 14:12-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)