Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 14:12-26

Johane 14:12-26 SUB1949

Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri, maɓasa andinoita, iye ucaaita ʋo, ucaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaƂaɓa. Cinhu cipi necipi camunokumbira muzita raŋgu, ndicaciita, kuti Ƃaɓa ʋakudzwe muMŋanakomana. Kana mucikumbira cinhu kwandiri muzita raŋgu, ndicaciita. Kana mucindiɗa, mucaceŋgeta mirairo yaŋgu. Neni ndicakumbira Ƃaɓa, ʋacakupai mumŋe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusiŋgaperi; ndiye Mŋeya waɀokwaɗi; nyika haigoni kumugamucira, nokuti haimuʋoni, kana kumuziʋa; imi munomuziʋa, nokuti ugere nemi, ucaʋa mukati menyu. Handiŋgakusiyi muri nherera; ndinoʋuya kwamuri. Kucineŋguʋa ɗuku, nyika haicazondiʋoni; asi imi munondiʋona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemi ʋo mucaʋa ʋapenyu. Nezuʋa iro mucandiziʋa, kuti ndiri munaƂaɓa, nemi mandiri, neni mamuri. Unemirairo yaŋgu, akaiceŋgeta, ndiye unondiɗa; unondiɗa ucaɗikanwa naƂaɓa ʋaŋgu; neni ndicamuɗa ʋo, ndicaɀiratidza kwaari. Judasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokuɗiniko kuti mucaɀiratidza kwatiri, musiŋgaɀiratidzi kunyika? Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu acindiɗa, ucaceŋgeta shoko raŋgu; naƂaɓa ʋaŋgu ʋacamuɗa, ticaʋuya kwaari, tikaita ʋugaro bgeɗu maari. Usiŋgandiɗi, haaceŋgeti mashoko aŋgu; shoko ramunonzwa, harizi raŋgu, asi nderaƂaɓa ʋakandituma. Ɀinhu iɀoɀi ndakakuʋudzai ndicigere nemi. Asi Munyaradzi, Mŋeya Mutȿene, ucatumŋa naƂaɓa muzita raŋgu, iye ucakudzidzisai ɀose, nokukuyeʋudzirai ɀose, ɀandakareʋa kwamuri.

Verenga chikamu Johane 14