Jeremia 45:3-4
Jeremia 45:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iwe wakati, ‘Ndine nhamo! Jehovha apamhidzira kusuwa pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera uye ndashayiwa zororo.’ ” Jehovha akati, “Uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichakoromora zvandakavaka uye ndichadzura zvandakasima panyika yose.
Jeremia 45:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iwe wakati, ‘Ndine nhamo zvino, nokuti Jehovha wakawedzera kuchema pakurwadziwa kwangu; ndaneta nokugomera kwangu, ndinoshaiwa zororo.’ “Zvino chiti, kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tarira, chandakavaka ndichachikoromorazve, chandakasima ndichachidzurazve; ndizvo zvandichaitira nyika yose.’
Jeremia 45:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
wakati iwe, ‘Ndine nhamo ini nokuti Tenzi akawedzera kusuwa pakurwadziwa kwangu. Ndaneta nokugomera kwangu, handiwani zororo.’ Saka taura izvozvo kwaari uchiti, Zvanzi naTenzi, Chinzwa, zvandakavaka zviya ndava kuzozvipaza uye zvandakasima ndava kuzozvidzura zvichireva nyika yose.
Jeremia 45:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iwe wakati: Ndinenhamo ɀino, nokuti Jehova wakawedzera kucema pakurwadziwa kwaŋgu; ndaneta nokugomera kwaŋgu, ndinoshaiwa zororo. Ɀino citi kwaari: Ɀanzi naJehova: Tarira, candakaʋaka ndicacikoromora ɀe, candakasima ndicacidzura ɀe; ndiɀo ɀandicaitira nyika yose.
Jeremia 45:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)