Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 3:6-25

Jeremia 3:6-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo. Ndakafunga kuti mushure mokuita kwake izvi zvose, achadzokera kwandiri asi iye haana, uye mununʼuna wake Judha wokusatendeka akazviona. Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha mununʼuna wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve. Nokuti ufeve hwaIsraeri hahuna zvahwakareva kwaari, akasvibisa nyika nokufeva namabwe namatanda. Kunyange izvi zvakadaro, mununʼuna wake Judha wokusatendeka haana kudzokera kwandiri nomwoyo wake wose, asi kunyengera chete,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Jehovha akati kwandiri, “Israeri wokusatenda akarurama kukunda Judha wokusatendeka. Enda undoparidza shoko iri kurutivi rwokumusoro uchiti, “ ‘Dzokai imi Israeri vokusatenda,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Handichazorambi ndakafinyamisa chiso changu kwamuri, nokuti ndizere nengoni,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi. Imi zivai mhosva yenyu chete, kuti makamukira Jehovha Mwari wenyu, mukafadza vamwari vavatorwa muri pasi pomuti mumwe nomumwe wakapfumvutira, uye hamuna kunditeerera,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve. Panguva iyoyo vachatumidza Jerusarema kuti Chigaro choUshe chaJehovha, uye ndudzi dzose dzichaungana muJerusarema kuzokudza zita raJehovha. Havachazoteverizve kusindimara kwemwoyo yavo yakaipa. Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka. “Ini pachangu ndakati, “ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera. Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Kuchema kunonzwika panzvimbo dzakakwirira dzisina miti, iko kuchema nokuteterera kwavanhu veIsraeri, nokuti vakaminamisa nzira dzavo uye vakakanganwa Jehovha Mwari wavo. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.” “Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu. Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri. Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo. Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 3

Jeremia 3:6-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josia, “Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo. Zvino vakati vapedza kuita izvozvo zvose, ini ndakati, vachadzokera kwandiri, asi havana kudzokera; kwandiri nomunun'una wavo, Judha, wokusatendeka, vakazviona. Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba Isiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo. Zvino nokusarangarira kwavo nyika yakasvibiswa nokufeva kwavo, vakafeva namabwe namatanda. Kunyange zvinhu izvi zvakadaro zvose, munun'una wavo, Judha, havana kudzokera kwandiri nomwoyo wavo wose, asi nokunyengera” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Isiraeri wokudzokera shure, vakaita zvakarurama kukunda Judha wokusatendeka. Enda unoparidza mashoko awa kurutivi rwokumusoro, uti, ‘Dzokai, imi Isiraeri wokudzokera shure ndizvo zvinotaura Jehovha; handingakutaririyi ndakatsamwa, nokuti ndine nyasha, handingarambi ndakatsamwa nokusingaperi ndizvo zvinotaura Jehovha. Asi muzive zvakaipa zvenyu bedzi, kuti makadarikira Jehovha Mwari wenyu, mukafamba-famba muchitevera vatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi rangu ndizvo zvinotaura Jehovha.’ “Zvanzi naJehovha, ‘Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Zioni.’ “Ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, vachakufudzai nezivo nenjere. “Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha;’ havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve. Panguva iyo vachatumidza Jerusaremu chigaro choushe chaJehovha; marudzi ose achaunganidzirwapo, paJerusaremu, nokuda kwezita raJehovha; havachazofambi nohukukutu hwemwoyo yavo yakashata. Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.” Asi ndakati, “Ndichakuisai sei pakati pavanga vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda;” ndikati, “Imi muchanditumidza zita rokuti, ‘Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.’ Zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo, mukadzi sezvaanosiya murume wake achinyengera, saizvozvo imi makandinyengera, imi imba yaIsiraeri.’ ” Inzwi rinonzwika kuzvikomo zvisina miti, kuchema nokunyengetera kwavana vaIsiraeri; nokuti vakaminamisa nzira dzavo, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo. Dzokai, imi vana vokudzokera shure, ndichapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, tauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu. Zvirokwazvo, zvinobva kuzvikomo nemhere-mhere inobva kumakomo hazvina maturo; zvirokwazvo kuponeswa kwaIsiraeri kuri kuna Jehovha Mwari wedu. Asi chinhu chinonyangadza chakaparadza basa ramadzibaba edu kubva pahuduku hwedu, makwai avo nemombe dzavo, vanakomana vavo navanasikana vavo. Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuterera inzwi raJehovha Mwari wedu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 3

Jeremia 3:6-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mumazuva amambo Josiya, Tenzi akati kwandiri, “Wakaona here zvakaitwa nomukadzi akapanduka uya, Isiraeri kunekura kwaaiita nezvikomo zvose nepasi pomuti wose wose wakasvibira achiitira ufeve hwake imomo? Ndakafunga kuti, kana apedza kuita kwake kwose ikoko achadzokera kwandiri, asi haana kudzoka, izvozvo munyengedzi munun'una wake Judha uyu, zvaiva mumazisowo make. Judha akaona kuti pamusana poupombwe hwomukadzi asingavimbiki uya, Isiraeri, ini ndakamuramba netsamba yegupuro. Asi munun'una wake, munyengedzi, Judha, hazvina kumbomurovesa hana. Asi ndopaakatondoitawo unzenza. Pamusana pokufumuka kwake nounzenza akan'oresa nyika ino achiita zvounzenza hwokunamata matombo nemiti. Kunyange zvose izvi zvakadaro zvazvo, munyengedzi munun'una wake Judha haana kudzokera kwandiri nomwoyo wose asi zvechipameso chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Tenzi akati kwandiri, “Iye Isiraeri mukadzi akapanduka uya, anozvionesa somunhu asina mhosva pane munyengedzi uyu Judha. Enda undoparidza kuchamhembe mazwi aya utaure uchiti: “Zvanzi naTenzi, chidzoka iwe Isiraeri mhandupandu yomunhu. Handichakutsvukisira meso nehasha nokuti ndine ngoni, ndizvo zviri kutaura Tenzi handicharamba ndakashatirwa nokusingaperi. Chako iwe chete, bvuma uipi hwako kuti wakapandukira Tenzi, Mwari wako ukatoti zvako mwarara kurasira makomborero ako kuvamwari vasivo pasi pomuti wose zvawo wakasvibira ubvumewo kuti wakarega kuteerera izwi rangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi. “Zvanzi naTenzi dzokai imi vana vasina kutendeka nokuti ini ndini tenzi wenyu. Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete, mumhuri iyi ndichitora vaviri, ndozokuunzai kuguta reZioni. “Ndichakupai vafudzi vangu vapamwoyo vachakupai chokudya choruzivo nokunzwisisa. Zvanzi naTenzi pamazuva iwayo kana zvino maberekana kwazvo mawanda munyika ino, havachazombodoma kuti, ‘Bhokisi rechitenderano chaTenzi.’ Harisi kana kuzombouya zvaro mumusoro mavo kunyange kurirangarira zvako kana kumborisuwirwawo, harisi kuzombogadzirwa zvakare. Panguva iyoyo guta reJerusaremu rinenge rava kunzi, ‘Chigaro chaTenzi choumambo’. Ndudzi dzose dzavanhu dzichakotonokerako kuJerusaremu muzita raTenzi. Izvozvo vanenge vakanda pasi zvokuomesa musoro nokufuririka nomwoyo wavo wakaipa. Mumazuva iwayo vemba yokwaJudha vachabatana nevemba yokwaIsiraeri. Vachadzoka pamwechete vachibva kunyika kuchamhembe vachiuya kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka yavo.” Ini Tenzi ndakati, “Zvaizofadza seiko kukubatai somumwe wevanakomana vangu ndichikupai nyika yakanaka, nhaka yakanakisisa pane yamamwe marudzi ose. Ndaifunga kuti maizondidaidza kuti, ‘Baba vangu’ musisandifuratire morega kunditevera. Zvinongoita mudzimai anenge apanduka achisiya murume wake, ndokusatendeka kwawakaita iwe imba yaIsiraeri ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Pane kuchema kuri kunzwika pamutunhu wakatunhumara pasina miti, kuhwihwidza nokuteterera kwevanakomana veIsiraeri nokuti vaminamisa gwara ravo, vakanganwa Tenzi, Mwari wavo. Dzokai imi vanakomana vakapanduka ndichakurapai mwoyo wokupanduka. Hezvika, tauya kwamuri nokuti imi ndimi Tenzi, Mwari wedu. Zvomuzvikomo izvi kuzvinyengedza, ndizvo zvimwechetezvo nezhowezhowe inoitwa mamakomo'mu. Chokwadi ruponeso rwedu ruri muna Tenzi, Mwari wedu. “Asi kubvira pauduku hwedu Chakafumuka chakaparadza zvose zvakanga zvashandwa namadzibaba edu zvinoti: matanga emombe nezvimwe zvipfuwo navanakomana vavo navanasikana vavo. Ngatitii pasi ware ware kurara nenyadzi, kunyara kutikwidibire nokuti takatadzira Tenzi, Mwari wedu, isu namadzibaba edu kubvira pahuduku hwedu kusvikira pari nhasi. Uye hatina kuteerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 3

Jeremia 3:6-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakati ɀe kwandiri, namazuʋa amambo Josia: Waʋona here ɀakaitwa naIsraeri pakudzokera kwaʋo shure? Ʋakakwira pagomo rimŋe nerimŋe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumŋe nomumŋe mutema, ndokundofeʋa’po. Ɀino ʋakati ʋapedza kuita iɀoɀo ɀose, ini ndikati: Ʋacadzokera kwandiri, asi haʋana‐kudzokera; nomunuŋuna waʋo, Juda, ʋokusatendeka, ʋakaɀiʋona. Ɀino ndakaʋona kuti paŋguʋa yandakaramba Israeri, ʋokudzokera shure, ndikaʋapa rugwaro rwokuʋaramba nemhaka yokufeʋa kwaʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro munuŋuna waʋo, iʋo ʋaJuda, ʋokusatendeka, haʋana‐kutya; asi naiʋo ʋakandofeʋa ʋo. Ɀino nokusaraŋgarira kwaʋo nyika yakaȿiɓiswa nokufeʋa kwaʋo, ʋakafeʋa namabge namatanda. Kunyaŋge ɀinhu iɀi ɀakaɗaro ɀose, munuŋuna waʋo, Juda, haʋana‐kudzokera kwandiri nomŋoyo waʋo wose, asi nokunyeŋgera — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀino Jehova akati kwandiri: Israeri ʋokudzokera shure, ʋakaita ɀakarurama kukunda Juda ʋokusatendeka. Enda undoparidza mashoko awa kurutiʋi rwokumsoro, uti: Dzokai, imi Israeri ʋokudzokera shure — ndiɀo ɀinotaura Jehova; handiŋgakutaririyi ndakatsamŋa, nokuti ndinenyasha, handiŋgarambi ndakatsamŋa nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Asi muziʋe ɀakaipa ɀenyu ɓedzi, kuti makaɗarikira Jehova Mŋari wenyu, mukafambafamba muciteʋera ʋatorwa pasi pemiti yose mitema, mukasaterera inzwi raŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀanzi naJehova: Dzokai imi ʋana ʋokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndicakutorai, mumŋe paguta rimŋe, ʋaʋiri parudzi rumŋe, ndicikuisai Zioni. Ndicakupai ʋafudzi ʋanofadza mŋoyo waŋgu, ʋacakufudzai neziʋo nenjere. Ɀino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — haʋaŋgazoti: Areka yesuŋgano yaJehova; haʋaŋgaifuŋgi, haʋaŋgairaŋgariri, haʋaŋgaitȿaki, haʋaŋgaiiti ɀe. Paŋguʋa iyo ʋacatumidza Jerusarema cigaro coʋushe caJehova; marudzi ose acaʋuŋganidzirwa’po, paJerusarema, nokuɗa kwezita raJehova; haʋacazofambi noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo yakashata. Namazuʋa iwayo imba yaJuda icafamba pamŋe cete neimba yaIsraeri, ʋacaʋuya pamŋe cete ʋacibva kunyika yokumsoro kunyika yandakapa madziɓaɓa enyu iʋe nhaka yaʋo. Asi ndakati: Ndicakuisai sei pakati paʋana ʋaŋgu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaiȿo‐naka yamarudzi akawanda; ndikati: Imi mucanditumidza zita rokuti Ƃaɓa ʋaŋgu, hamuŋgazotsauki pakunditeʋera. Ɀanzi naJehova: Ɀirokwaɀo, mukadzi seɀaanosiya murume wake acinyeŋgera, saiɀoɀo imi makandinyeŋgera, imi imba yaIsraeri. Inzwi rinonzwika kuɀikomo ɀisinemiti, kucema nokunyeŋgetera kwaʋana ʋaIsraeri; nokuti ʋakaminamisa nzira dzaʋo, ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo. Dzokai, imi ʋana ʋokudzokera shure, ndicapodza kudzokera kwenyu. Tarirai, taʋuya kwamuri, nokuti imi muri Jehova Mŋari weɗu. Ɀirokwaɀo, ɀinobva kuɀikomo nemhere‐mhere inobva kumakomo haɀinamaturo; ɀirokwaɀo kuponeswa kwaIsraeri kuri kunaJehova Mŋari weɗu. Asi cinhu cinonyaŋgadza cakaparadza ɓasa ramadziɓaɓa eɗu kubva paʋuɗuku bgeɗu, makwai aʋo neŋombe dzaʋo, ʋanakomana ʋaʋo naʋanasikana ʋaʋo. Ŋgatiʋatei pasi nokunyadziswa kweɗu, kunyara kweɗu ŋgakutifukidze; nokuti takatadzira Jehova Mŋari weɗu, isu namadziɓaɓa eɗu, kubva paʋuɗuku bgeɗu kuȿikira pazuʋa ranhasi; hatinakuterera inzwi raJehova Mŋari weɗu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 3

Jeremia 3:6-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)