Mumazuva amambo Josiya, Tenzi akati kwandiri, “Wakaona here zvakaitwa nomukadzi akapanduka uya, Isiraeri kunekura kwaaiita nezvikomo zvose nepasi pomuti wose wose wakasvibira achiitira ufeve hwake imomo? Ndakafunga kuti, kana apedza kuita kwake kwose ikoko achadzokera kwandiri, asi haana kudzoka, izvozvo munyengedzi munun'una wake Judha uyu, zvaiva mumazisowo make. Judha akaona kuti pamusana poupombwe hwomukadzi asingavimbiki uya, Isiraeri, ini ndakamuramba netsamba yegupuro. Asi munun'una wake, munyengedzi, Judha, hazvina kumbomurovesa hana. Asi ndopaakatondoitawo unzenza. Pamusana pokufumuka kwake nounzenza akan'oresa nyika ino achiita zvounzenza hwokunamata matombo nemiti. Kunyange zvose izvi zvakadaro zvazvo, munyengedzi munun'una wake Judha haana kudzokera kwandiri nomwoyo wose asi zvechipameso chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Tenzi akati kwandiri, “Iye Isiraeri mukadzi akapanduka uya, anozvionesa somunhu asina mhosva pane munyengedzi uyu Judha. Enda undoparidza kuchamhembe mazwi aya utaure uchiti:
“Zvanzi naTenzi, chidzoka
iwe Isiraeri mhandupandu yomunhu.
Handichakutsvukisira meso nehasha
nokuti ndine ngoni, ndizvo zviri kutaura Tenzi
handicharamba ndakashatirwa nokusingaperi.
Chako iwe chete, bvuma uipi hwako kuti
wakapandukira Tenzi, Mwari wako
ukatoti zvako mwarara kurasira
makomborero ako kuvamwari vasivo
pasi pomuti wose zvawo wakasvibira
ubvumewo kuti wakarega kuteerera izwi rangu,
ndizvo zviri kurehwa naTenzi.
“Zvanzi naTenzi
dzokai imi vana vasina kutendeka
nokuti ini ndini tenzi wenyu.
Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete,
mumhuri iyi ndichitora vaviri,
ndozokuunzai kuguta reZioni.
“Ndichakupai vafudzi vangu vapamwoyo vachakupai chokudya choruzivo nokunzwisisa. Zvanzi naTenzi pamazuva iwayo kana zvino maberekana kwazvo mawanda munyika ino, havachazombodoma kuti, ‘Bhokisi rechitenderano chaTenzi.’ Harisi kana kuzombouya zvaro mumusoro mavo kunyange kurirangarira zvako kana kumborisuwirwawo, harisi kuzombogadzirwa zvakare. Panguva iyoyo guta reJerusaremu rinenge rava kunzi, ‘Chigaro chaTenzi choumambo’. Ndudzi dzose dzavanhu dzichakotonokerako kuJerusaremu muzita raTenzi. Izvozvo vanenge vakanda pasi zvokuomesa musoro nokufuririka nomwoyo wavo wakaipa. Mumazuva iwayo vemba yokwaJudha vachabatana nevemba yokwaIsiraeri. Vachadzoka pamwechete vachibva kunyika kuchamhembe vachiuya kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka yavo.”
Ini Tenzi ndakati,
“Zvaizofadza seiko kukubatai
somumwe wevanakomana vangu
ndichikupai nyika yakanaka,
nhaka yakanakisisa pane yamamwe marudzi ose.
Ndaifunga kuti maizondidaidza kuti, ‘Baba vangu’
musisandifuratire morega kunditevera.
Zvinongoita mudzimai
anenge apanduka achisiya murume wake,
ndokusatendeka kwawakaita iwe imba yaIsiraeri
ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Pane kuchema kuri kunzwika
pamutunhu wakatunhumara pasina miti,
kuhwihwidza nokuteterera kwevanakomana veIsiraeri
nokuti vaminamisa gwara ravo,
vakanganwa Tenzi, Mwari wavo.
Dzokai imi vanakomana vakapanduka
ndichakurapai mwoyo wokupanduka.
Hezvika, tauya kwamuri
nokuti imi ndimi Tenzi, Mwari wedu.
Zvomuzvikomo izvi kuzvinyengedza,
ndizvo zvimwechetezvo nezhowezhowe inoitwa mamakomo'mu.
Chokwadi ruponeso rwedu ruri muna Tenzi, Mwari wedu.
“Asi kubvira pauduku hwedu Chakafumuka chakaparadza zvose zvakanga zvashandwa namadzibaba edu zvinoti: matanga emombe nezvimwe zvipfuwo navanakomana vavo navanasikana vavo. Ngatitii pasi ware ware kurara nenyadzi, kunyara kutikwidibire nokuti takatadzira Tenzi, Mwari wedu, isu namadzibaba edu kubvira pahuduku hwedu kusvikira pari nhasi. Uye hatina kuteerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”