Jeremia 2:1-25
Jeremia 2:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: “ ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei uye uchinditevera nomukati merenje, uye nomunyika isina munhu anogaramo. Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko raJehovha imi imba yaJakobho, nemi mose vorudzi rweimba yaIsraeri. Zvanzi naJehovha: “Madzibaba enyu akawana mhosva yei kwandiri, zvavakaenda kure neni? Vakatevera zvifananidzo zvisina maturo ivo vakava vasina maturo pachavo. Havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko, iye akatibudisa kubva munyika yeIjipiti akatitungamirira nomugwenga risina miti, nomunyika yamarenje namakoronga, iyo nyika yakaoma uye yerima, nyika isina munhu anofambamo uye isina munhu anogaramo?’ Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza. Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo. “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichapazve mhosva vana vavana venyu. Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai: Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura. Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino? Shumba dzakaomba; dzikanguruma kwaari. Dzakaparadza nyika yake; maguta ake akapiswa uye haachina vanhu. Uyezve, vanhu veNofi neveTapanesi vakaveura musoro wako. Ko, hauna kuzvivigira izvozvo pachako here pawakasiya Jehovha Mwari wako paakanga achikutungamirira munzira? Zvino, unoendereiko kuIjipiti kundonwa mvura inobva muShihori? Uye unodireiko kuenda kuAsiria kundonwa mvura inobva murwizi? Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose. “Wakavhuna joko rako kare kare uye wakadambura makashu ako; ukati, ‘Handidi kukushumirai!’ Zvirokwazvo, pamusoro pechikomo chirefu choga choga, uye pasi pomuti woga woga wakapfumvutira, wakarara pasi pawo sechifeve. Ndakanga ndakusima somuzambiringa wakanakisa, uri mbeu kwayo inovimbika. Ko, zvino wakazondishandukira sei ukava muzambiringa webundo wakaora? Kunyange ukazvishambidza nesoda uchishandisa sipo yakawanda, gwapa remhosva yako rinoramba riri mberi kwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Unoreva sei, uchiti, ‘Handina kusvibiswa; handina kutevera Bhaari’? Tarisa zvawakaita mumupata; funga zvawakaita. Iwe uri ngamera yehadzi inomhanya apa nepapo, uri mbizi yakarovedzwa mugwenga, inofembedza mhepo mukushuva kwayo; ndiani angaidzora pakupfumvura kwayo? Mukono upi noupi unoitevera haufaniri kuzvinetesa; panguva yokusangana uchaiwana. Usamhanya kusvikira tsoka dzako dzisisina shangu nehuro yako yava nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvibatsiri! Ndinoda vamwari vokumwe, uye ndinofanira kuvatevera.’
Jeremia 2:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti, “Enda, undodana munzeve dzaveJerusaremu, uti zvanzi naJehovha, ‘Ndakarangarira pamusoro pako hunyoro hwohuduku hwako norudo rwenguva yokuwanikwa kwako, kuti wakanditevera murenje, munyika yakanga isina kudyarwa. Isiraeri vakanga vari rudzi rutsvene kuna Jehovha, zvibereko zvitsva zvaakazviwanira; vose vanomudya vachava nemhosva; vachawirwa nezvakaipa’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. Inzwai shoko raJehovha, imi imba yaJakobho, nemhuri dzose dzeimba yaIsiraeri, Zvanzi naJehovha, “Madzibaba enyu akawana zvisakarurama zvipiko kwandiri, zvavakaenda kure neni, zvavakatevera zvisina maturo, ivo vamene vakava vasina maturo? Uye havana kureva, vachiti, ‘Uripiko Jehovha wakatibudisa panyika yeIjipiti, akatifambisa murenje, munyika ina masango namakomba, munyika yakaoma neyomumvuri worufu, munyika isingafambi nomunhu achipfuurapo, musingagari munhu?’ Ndakakusvitsai munyika ineminda yakaorera, kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo; asi makati mapinda, mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu chinhu chinonyangadza. Vapristi havana kuti, ‘Jehovha uripiko?’ Vaifambisa mirairo vakanga vasingandizivi, vafudzi vaindidarikira, vaporofita vaiporofitera Bhaari, vachitevera zvinhu zvisingabatsiri. “Saka zvanzi naJehovha, ‘Ndicharamba ndichikakavara nemi, ndichakakavara navana vavana venyu.’ Nokuti yambukirai kuzviwi zveKitimi, muone; tumai vanhu Kedhari, mufungisise zvakanaka, muone kana kwakambovapo chinhu chakadai. Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri. Shamiswa nechinhu ichi, iwe denga rose, utye zvikuru, uvhunduswe kwazvo ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura. Isiraeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaberekerwa mumba matenzi wake here? Ko zvino wapambwa seiko? Vana veshumba vakamuombera, vakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna unogaramo. Vana veNofi naveTapanesi vakapedza vhudzi romusoro wako. Ko hauna kuzvitsvaira izvozvo, zvawakasiya Jehovha Mwari wako panguva yaakakufambisa panzira yake here? Zvino unondotsvakei panzira inoenda Ijipiti, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotsvakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here? Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha wehondo, ‘Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.’ “Nokuti yatova nguva huru yawakavhuna joko, nokudambura zvisungo zvako, ukati, ‘Handidi kubatira;’ nokuti wakapfugama pachikomo chipi nechipi chakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema uchifeva. Kunyange zvakadaro ndakanga ndakusima uri mudzambiringa wakaisvonaka, mbeu kwayo yazvokwadi; zvino wandishandukira sei ukava matavi akaipa omudzambiringa worumwe rudzi? “Nokuti kunyange ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyange zvakadaro zvakaipa zvako zvakaita segwapa pamberi pangu; ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. “Ungareva seiko, uchiti, ‘Handina kusvibiswa, handina kutevera vaBhaari?’ Cherekedza nzira yako pamupata, uzive chawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo; uri hadzi yembizi yakarovera renje, inofembedza mhepo nokushuva kwayo; ndiani ungaidzora pakuviga kwayo? Dzose, dzinoitsvaka, hadzinganeti; pamwedzi wayo dzinoiwana. Usatendera rutsoka rwako kufamba usina shangu, nehuro dzako kuva nenyota. Asi iwe wakati, ‘Hazvina maturo; kwete, nokuti ndakada vatorwa, ndivo vandichatevera.’ ”
Jeremia 2:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri. Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo? “Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako? “Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa. “Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko. “Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai. Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi; nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura. “Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here? Vakaberekerwa muuranda here? Sei vava nyama yamagora. Shumba dzakamudzovera dzichiita ruzha chairwo kudzvova. Nyika yeIsiraeri vaiita kuti ingova nyika isina zvayo chinhu, maguta ayo ava matongo asisina anogaramo. “Uyewo vanhu vokuguta reMemufisi nereTapanesi vakatsemura Isiraeri musoro. Hazvisi zvokuzviparira here izvi nokufuratira kwawakaita Tenzi, Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara? “Ko zvino chii chamunowana nokuenda kuIjipiti, kundonwa mvura yomuna Nairi nhai? Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria, kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here? Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.” “Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi. “Asi ini ndakanga ndakusima somugirepisi wakanakisisa chaizvo, chaiwo une mhodzi dzakasvika. Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai, kubva wava somugirepisi womudondo zvawo? “Kunyange zvako ukazvishambidza nesoda nesipo ine simba chaizvo uchiipupumisa kwazvo kutindivara kwemhosva yako ndinenge ndichingokuona chete ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika. Uri dhongi zvaro romusango rajairira zvomurenje rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro! Ndiani angaridzore pahavi dzaro? Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira kuzvinetsa zvayo, mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete. Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ”
Jeremia 2:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri: Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo? Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu? Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza. Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu. Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai. Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura. Israeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaɓerekerwa mumba matenzi wake here? Ko ɀino wapambga seiko? Ʋana ʋeshumba ʋakamuʋombera, ʋakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna‐unogara’mo. Ʋana ʋeNofi naʋeTapanesi ʋakapedza vudzi romusoro wako. Ko haunakuɀitȿakira iɀoɀo, ɀawakasiya Jehova Mŋari wako paŋguʋa yaakakufambisa panzira yake here? Ɀino unondotȿakei panzira inoenda Egipita, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotȿakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here? Ɀakaipa ɀako ɀinokuroʋa, kudzokera kwako shure kunokutuka; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova wehondo: Ziʋa, uʋone kuti cinhu cakaipa cinoʋaʋa kuti wakasiya Jehova Mŋari wako, ʋuye kuti haundityi. Nokuti yatoʋa ŋguʋa huru yawakavuna joko rako, nokuɗambura ɀisuŋgo ɀako; ukati: Handiɗi kuɓatira; nokuti wakafugama pacikomo cipi necipi cakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema ucifeʋa. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaŋga ndakusima uri muzambiriŋga wakaiȿo‐naka, mbeu kwayo yaɀokwaɗi; ɀino wandishandukira sei ukaʋa mataʋi akaipa omuzambiriŋga worumŋe rudzi? Nokuti kunyaŋge ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀakaipa ɀako ɀakaita segwapa pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. Uŋgareʋa seiko, uciti: Handina‐kuȿiɓiswa, handina‐kuteʋera ʋaBaari? Cerekedza nzira yako pamupata, uziʋe cawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo; uri hadzi yembizi yakaroʋera renje, inofembedza mhepo nokushuʋa kwayo; ndiani uŋgaidzora pakuʋiŋga kwayo? Dzose, dzinoitȿaka, hadziŋganeti; pamŋedzi wayo dzinoiwana. Usatendera rutsoka rwako kufamba usineshaŋgu, nehuro dzako kuʋa nenyota. Asi iwe wakati: Haɀinamaturo; kwete, nokuti ndakaɗa ʋatorwa, ndiʋo ʋandicateʋera.
Jeremia 2:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)