Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 2:1-25

Jeremiya 2:1-25 SCLB

Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.” Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri. Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo? “Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako? “Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa. “Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko. “Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai. Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi; nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura. “Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here? Vakaberekerwa muuranda here? Sei vava nyama yamagora. Shumba dzakamudzovera dzichiita ruzha chairwo kudzvova. Nyika yeIsiraeri vaiita kuti ingova nyika isina zvayo chinhu, maguta ayo ava matongo asisina anogaramo. “Uyewo vanhu vokuguta reMemufisi nereTapanesi vakatsemura Isiraeri musoro. Hazvisi zvokuzviparira here izvi nokufuratira kwawakaita Tenzi, Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara? “Ko zvino chii chamunowana nokuenda kuIjipiti, kundonwa mvura yomuna Nairi nhai? Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria, kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here? Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.” “Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi. “Asi ini ndakanga ndakusima somugirepisi wakanakisisa chaizvo, chaiwo une mhodzi dzakasvika. Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai, kubva wava somugirepisi womudondo zvawo? “Kunyange zvako ukazvishambidza nesoda nesipo ine simba chaizvo uchiipupumisa kwazvo kutindivara kwemhosva yako ndinenge ndichingokuona chete ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. “Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika. Uri dhongi zvaro romusango rajairira zvomurenje rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro! Ndiani angaridzore pahavi dzaro? Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira kuzvinetsa zvayo, mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete. Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ”

Verenga chikamu Jeremiya 2