Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi:
“Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata
wawaiva nawo pauduku hwako
norudo rwawaiva narwo semwenga
nokunditevera kwawaindiita murenje,
munyika isina chinorimwamo.
“Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi
iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa,
vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo
ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri.
Zvanzi naTenzi:
“Ndechipiko chakaipa chakaonekwa
namadzibaba enyu mandiri
zvavakabva vatoenda kure neni kudai
votevera zvinhu zvisina maturo
vachibva vavawo vanhu vasina maturo?
“Havana kumbobvunzawo kuti,
iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti,
akatitungamirira murenje,
munyika yamagwenga namakoronga,
munyika yakaoma, nyika yezarima,
munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako?
“Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka
kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo.
Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu
mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.
“Vapristi havana kubvunza kuti,
‘Tenzi ari kupi?’
Vanoona nezvomutemo havana kundiziva.
Vafudzi vavanhu vakandipandukira,
vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari
vachitevedza zvinhu zvisina chimuko.
“Zvanzi naTenzi,
naizvozvo ndichakugadzai dare,
ndichagadzawo vana vavana venyu
nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone,
kana kutumira nhume kuKedhari
dzindonyatsoongorora kwazvo
muone kana kwakamboitika chinhu chakadai.
Kuno rudzi here rwakambochinjanisa
vaMwari varwo,
kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari?
Asi vanhu vangu vakatsinhanisa
Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.
“Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi
akangaidzwe, apazaniswe musoro,
ndizvo zviri kutaura Tenzi;
nokuti vanhu vangu vakanditadzira
nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira
ini tsime remvura mhenyu
vakatozvicherera mazigaringiro emvura
mazigaringiro akabamuka
asingagone kuchengeta mvura.
“Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here?
Vakaberekerwa muuranda here?
Sei vava nyama yamagora.
Shumba dzakamudzovera
dzichiita ruzha chairwo kudzvova.
Nyika yeIsiraeri vaiita kuti
ingova nyika isina zvayo chinhu,
maguta ayo ava matongo asisina anogaramo.
“Uyewo vanhu vokuguta
reMemufisi nereTapanesi
vakatsemura Isiraeri musoro.
Hazvisi zvokuzviparira here izvi
nokufuratira kwawakaita Tenzi,
Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara?
“Ko zvino chii chamunowana
nokuenda kuIjipiti,
kundonwa mvura yomuna Nairi nhai?
Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria,
kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here?
Uipi hwako huchakupfukira;
umhandupandu hwako ndohuchakugadzira.
Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti
chinhu chakaipa chinorwadza,
kufuratira Tenzi, Mwari wako
zvokunditya mauri hamuna
ndizvo zviri kutaura Tenzi
Mwari wehondo nehondo.”
“Ndinodaro nokuti kare kare
wakatyora iwe Joko rako
ukadambura zvitorobho zvako
uchiti, ‘Handichakushandirai.’
Heeka, pachikomo chose chose zvacho
napasi pomuti wose zvawo wakasvibira
wakapfugamidzapo sepfambi.
“Asi ini ndakanga ndakusima
somugirepisi wakanakisisa chaizvo,
chaiwo une mhodzi dzakasvika.
Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai,
kubva wava somugirepisi womudondo zvawo?
“Kunyange zvako ukazvishambidza
nesoda nesipo ine simba chaizvo
uchiipupumisa kwazvo
kutindivara kwemhosva yako
ndinenge ndichingokuona chete
ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
“Ko ungagoti sei,
handina kun'ora ini,
handina kutevera vanaBhaari?
Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita.
Uri tsiru renghamera rabindura
risina kugadzikana rinodimuranisa nyika.
Uri dhongi zvaro romusango
rajairira zvomurenje
rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro!
Ndiani angaridzore pahavi dzaro?
Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira
kuzvinetsa zvayo,
mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete.
Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka
mugooma pahuro nenyota.
Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti
ndinodanana navamwari vechirudzi
saka changu ini kwangova
kundenderedzana navo ikoko.’ ”