Jakobho 2:14,17 - Compare All Versions
Jakobho 2:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here?
Jakobho 2:17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
Jakobho 2:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here?
Jakobho 2:17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.
Jakobho 2:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here?
Jakobo 2:17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako.
Jakobho 2:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here?
Jemusi 2:17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.
Jakobho 2:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here?
Jemusi 2:17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.