Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:1-4 - Compare All Versions

Jakobho 1:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 BDSC

Jakobho 1:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi ane gumi namaviri akapararira: Farai! Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SNA2002

Jakobho 1:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Jakobo, muranda waMŋari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaʋiri akapararira: Farai! Hama dzaŋgu, muti mufaro ɓedzi kana muciwira mumiidzo mizhinji; muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira. Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SUB1949

Jakobho 1:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SCLB

Jakobho 1:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SCLBD