Jemusi 1:1-4
Jemusi 1:1-4 SCLBD
Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina.

