Isaya 64:6-9
Isaya 64:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Isu tose tafanana nousina kuchena, uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina; isu tose tinooma seshizha, semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure. Hakuna anodana kuzita renyu kana anoshingairira kuti akubatei; nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu. Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu. Isu tiri ivhu, imi muri muumbi; isu tose tiri basa ramaoko enyu. Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha; regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi. Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira, nokuti tose tiri vanhu venyu.
Isaya 64:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo. Hakuna anodana zita renyu, anozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu. Asi zvino Jehovha, muri baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu. Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.
Isaya 64:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tose zvedu isu, tangova somunhu akan'ora. Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita zvava kunge hanzu dzakatindivara. Tose tabhuruvara seshizha. Zvino uipi hwedu uhu hunotipupurutsa semhepo. Hakuna kana nomumwe achiri kunamata zita renyu kana anombonzwawo shungu yokuti abatirire pamuri, nokuti makazvihwandisa kwatiri ndokubva matiti kuche kuzvitadzo zvedu. Asi imi Tenzi, ndimi Baba wedu. Isu tiri ivhu rokuumbisa imi ndimi muumbi wedu tose zvedu tiri basa ramakaita imi namaoko enyu. Tenzi regai zvenyu kubva matoshatirwa mukadaro. Regai zvenyu kuramba mongorangarira zvakaipa nokusingaperi. Tonderai inga wani tose tiri vanhu venyu.
Isaya 64:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti isu tose taʋa sounetȿina, kururama kweɗu kwose kwafanana neŋguʋo inetȿina; isu tose tinowoma seshizha, ɀakaipa ɀeɗu ɀinotibvisa semhepo. Hakuna‐unoɗana zita renyu, unoɀimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makatiʋanzira ciso cenyu, mukatinyuŋgurusa neɀakaipa ɀeɗu. Asi ɀino Jehova, muri Ƃaɓa ʋeɗu; isu tiri ivu, imi muri muʋumbi weɗu, isu tose tiri ɓasa roruʋoko rwenyu. Regai kutsamŋa ɀikuru, Jehova, ʋuye regai kuraŋgarira ɀakaipa ɀeɗu nokusiŋgaperi; tarirai, ɗoʋonai, tiri ʋanhu ʋenyu.
Isaya 64:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)