Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 64:6-9

Isaya 64:6-9 SCLBD

Tose zvedu isu, tangova somunhu akan'ora. Zvose zvazvo zvoururami zvatakaita zvava kunge hanzu dzakatindivara. Tose tabhuruvara seshizha. Zvino uipi hwedu uhu hunotipupurutsa semhepo. Hakuna kana nomumwe achiri kunamata zita renyu kana anombonzwawo shungu yokuti abatirire pamuri, nokuti makazvihwandisa kwatiri ndokubva matiti kuche kuzvitadzo zvedu. Asi imi Tenzi, ndimi Baba wedu. Isu tiri ivhu rokuumbisa imi ndimi muumbi wedu tose zvedu tiri basa ramakaita imi namaoko enyu. Tenzi regai zvenyu kubva matoshatirwa mukadaro. Regai zvenyu kuramba mongorangarira zvakaipa nokusingaperi. Tonderai inga wani tose tiri vanhu venyu.

Verenga chikamu Isaya 64