Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 63:7-16 - Compare All Versions

Isaya 63:7-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji. Akati, “Zvirokwazvo ndivo vanhu vangu, ivo vanakomana vasingazovi venhema kwandiri,” naizvozvo akava Muponesi wavo. Mumatambudziko avo ose naiyewo akatambudzika, uye mutumwa wokuvapo kwake akavaponesa. Murudo rwake nengoni akavadzikinura; akavasimudza uye akavatakura mumazuva ose akare. Asi vakamumukira vakachemedza Mweya wake Mutsvene. Saka akashanduka akava muvengi wavo, uye iye amene akarwa navo. Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, mazuva aMozisi navanhu vake, vakati, aripiko akavayambutsa gungwa, nomufudzi wamakwai ake? Aripiko akaisa Mweya wake Mutsvene pakati pavo, iye akavatumira ruoko rwake rwokukudzwa nesimba kuti ruve paruoko rworudyi rwaMozisi, iye akaparadzanisa mvura pamberi pavo, kuti azviwanire mukurumbira usingaperi, iye akavatungamirira nomakadzika? Sebhiza murenje, havana kugumburwa; semombe dzinoburukira kubani, vakapiwa zororo noMweya waJehovha. Ndiwo matungamiriro amakaita vanhu venyu kuti muzviitire zita rine mukurumbira. Tarirai pasi muri kudenga uye muone, kubva pachigaro chenyu chakakwirira chitsvene uye chinobwinya. Kushingaira kwenyu nesimba renyu zviripiko? Unyoro hwenyu netsitsi dzenyu zvakabviswa kwatiri. Asi muri Baba vedu, kunyange Abhurahama asingatizivi kana naIsraeri asingatiziviwo; imi, Jehovha, ndimi Baba vedu, Mudzikinuri wedu kubva kare ndiro zita renyu.

Pakurirana nevamwe
Isaya 63 BDSC

Isaya 63:7-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake. Nokuti akati, “Zvirokwazvo, ndivo vanhu vangu, vana vasingazoiti nokunyengera;” naizvozvo akava Muponesi wavo. Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika, mutumwa, wakavazivisa chiso chake, akavaponesa; akavadzikinura norudo rwake netsitsi dzake, akavasimudza nokuvatakura mazuva ose akare. Asi vakamumukira, nokuchemedza Mweya wake mutsvene; naizvozvo akashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene. Ipapo vanhu vake vakarangarira mazuva akare, Mosesi navanhu vake, vakati, “Aripiko iye akaisa Mweya wake mutsvene pakati pavo? Aripiko iye akafambisa ruoko rwake runokudzwa parutivi rwaMosesi, akaparadzanisa mvura zhinji pamberi pavo kuti azviwanire mukurumbira usingaperi? “Aripiko iye akavafambisa napakadzika, sebhiza murenje, vakasagumburwa?” Mweya waJehovha wakavazorodza, semombe dzinoburukira kumupata; saizvozvo makafambisa vanhu venyu, kuti muzviwanire mukurumbira mukuru-kuru. Tarirai pasi muri kudenga, muone muri pahugaro hwenyu hutsvene hunobwinya, kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomwoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri. Nokuti muri baba vedu, kunyange Abhurahamu asingatizivi, naIsiraeri asingatiziururi; imi Jehovha muri baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.

Pakurirana nevamwe
Isaya 63 SNA2002

Isaya 63:7-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndichadetemba kurumbidza mwoyochena waTenzi, mukurumbira waTenzi nokuona zvose zvatawaniswa naTenzi nezvose zvakanakisisa kwazvo zvaakaitira vemba yaIsiraeri zvaakadai kuvapa netsitsi dzake nomwoyochena wake wakanyanya kukura kudai, nokuti anoti, “Vanhu vangu ava, vana vasina zvounyengedzi,” nezvo akava Mununuri wavo. Nhamo yavo yose yavakaona yaivawo nhamo yake, uye mutumwa wokuvapo kwake ndiye akavaponesa, akavanunura norudo rwake uye netsiye dzake nyoro, akavasimudza akavatakura mumazuva ose akare. Asi ivo vakapanduka vakashungurudza Mweya Mutsvene wake, ndokusaka iye akavapindukira oita somuvengi wavo, iye pachake ovarwisa. Ndipo paakarangarira mazuva akare aye, mazuva omuranda wake Mosesi. Aripiko chaizvo nyakunyurura mugungwa, mufudzi wedanga rezvipfuwo zvake? Aripiko akaisa Mweya Mutsvene wake mukati mavo, akaita kuti simba reruoko rwake rivewo kurudyi rwaMosesi akaparadzanisa mvura pamberi pavo achiitira kuti azviwanire zita rinogara nokusingaperi? Iye akavatungamirira nomuhwenje. Vakafamba vasingadzengedzeke sezvinoita bhiza risingadzengedzeke murenje. Sokutungamirirwa kunoitwa zvipfuwo kubani, Mweya waTenzi wakavapa zororo, saizvozvo makatungamirira vanhu venyu mukazviwanira zita rine mukurumbira. Tarisai pasi muone muri kudenga ikoko, muri munzvimbo menyu mamunogara munoera mune mbiri. Shungu dzenyu nesimba zviripi? Ko inga rudo rwenyu netsitsi dzenyu, kwandiri hapasisina. Inga ndimi baba wedu wani kunyange Abhurahamu asingatizivi uye kunyange zvazvo Isiraeri, asingatitore sevana vake, imi Tenzi ndimi Baba vedu, Mununuri wedu, kubvira kare nakare, iroro ndiro zita renyu.

Pakurirana nevamwe
Isaya 63 SCLBD

Isaya 63:7-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndicarumbidza ʋunyoro bgaJehova namaɓasa aJehova anofanira kurumbidzwa, nokuɗa kweɀose ɀatakaitirwa naJehova neɀakanaka ɀizhinji kuimba yaIsraeri, ɀaakaʋaitira nokuɗa kwenyasha dzake, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgake. Nokuti wakati: Ɀirokwaɀo, ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋasiŋgazoiti nokunyeŋgera; naiɀoɀo wakaʋa Muponesi waʋo. Pakutambudzika kwaʋo kwose naiye ʋo wakaŋga acitambudzika, mutumŋa, wakaʋaziʋisa ciso cake, wakaʋaponesa; wakaʋadzikinura noruɗo rwake netsitsi dzake, akaʋasimudza nokuʋatakura mazuʋa ose akare. Asi ʋakamumukira, nokucemedza Mŋeya wake mutȿene; naiɀoɀo wakashanduka, akaʋa muʋeŋgi waʋo, akarwa naʋo amene. Ipapo ʋanhu ʋake ʋakaraŋgarira mazuʋa akare, Mosesi naʋanhu ʋake, ʋakati: Uripiko iye wakaʋaɓuɗisa muguŋgwa pamŋe cete nomufudzi weɓoka rake? Uripiko iye wakaisa Mŋeya wake mutȿene pakati paʋo? Uripiko iye wakafambisa ruʋoko rwake runokudzwa parutiʋi rwaMosesi, wakaparadzanisa mvura zhinji pamberi paʋo kuti aɀiwanire mukurumbira usiŋgaperi? Uripiko iye wakaʋafambisa napakadzika, sebiza murenje, ʋakasagumburwa? Mŋeya waJehova wakaʋazorodza, seŋombe dzinoɓurukira kumupata; saiɀoɀo makafambisa ʋanhu ʋenyu, kuti muɀiwanire mukurumbira mukuru‐kuru. Tarirai pasi muri kuɗeŋga, muʋone muri paʋugaro bgenyu ʋutȿene ʋunobginya: Kushiŋgaira kwenyu namaɓasa enyu anesimba aripiko? Kushuʋa kwomŋoyo wenyu netsitsi dzenyu ɀadzorwa kwandiri. Nokuti muri Ƃaɓa ʋeɗu, kunyaŋge Abrahama asiŋgatiziʋi, naIsraeri asiŋgatiziʋururi; imi Jehova muri Ƃaɓa ʋeɗu; Mudzikinuri weɗu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.

Pakurirana nevamwe
Isaya 63 SUB1949

Isaya 63:7-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isaya 63 SCLB