Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 63:7-16

Isaya 63:7-16 SCLBD

Ndichadetemba kurumbidza mwoyochena waTenzi, mukurumbira waTenzi nokuona zvose zvatawaniswa naTenzi nezvose zvakanakisisa kwazvo zvaakaitira vemba yaIsiraeri zvaakadai kuvapa netsitsi dzake nomwoyochena wake wakanyanya kukura kudai, nokuti anoti, “Vanhu vangu ava, vana vasina zvounyengedzi,” nezvo akava Mununuri wavo. Nhamo yavo yose yavakaona yaivawo nhamo yake, uye mutumwa wokuvapo kwake ndiye akavaponesa, akavanunura norudo rwake uye netsiye dzake nyoro, akavasimudza akavatakura mumazuva ose akare. Asi ivo vakapanduka vakashungurudza Mweya Mutsvene wake, ndokusaka iye akavapindukira oita somuvengi wavo, iye pachake ovarwisa. Ndipo paakarangarira mazuva akare aye, mazuva omuranda wake Mosesi. Aripiko chaizvo nyakunyurura mugungwa, mufudzi wedanga rezvipfuwo zvake? Aripiko akaisa Mweya Mutsvene wake mukati mavo, akaita kuti simba reruoko rwake rivewo kurudyi rwaMosesi akaparadzanisa mvura pamberi pavo achiitira kuti azviwanire zita rinogara nokusingaperi? Iye akavatungamirira nomuhwenje. Vakafamba vasingadzengedzeke sezvinoita bhiza risingadzengedzeke murenje. Sokutungamirirwa kunoitwa zvipfuwo kubani, Mweya waTenzi wakavapa zororo, saizvozvo makatungamirira vanhu venyu mukazviwanira zita rine mukurumbira. Tarisai pasi muone muri kudenga ikoko, muri munzvimbo menyu mamunogara munoera mune mbiri. Shungu dzenyu nesimba zviripi? Ko inga rudo rwenyu netsitsi dzenyu, kwandiri hapasisina. Inga ndimi baba wedu wani kunyange Abhurahamu asingatizivi uye kunyange zvazvo Isiraeri, asingatitore sevana vake, imi Tenzi ndimi Baba vedu, Mununuri wedu, kubvira kare nakare, iroro ndiro zita renyu.

Verenga chikamu Isaya 63