Isaya 6:2-3 - Compare All Versions
Isaya 6:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha Wamasimba Ose; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
Isaya 6:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo. Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti, “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.”
Isaya 6:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pamusoro pavo pakanga pakamira vatumwa vanonzi maserafimu, serafi roga roga raiva namapapiro matanhatu. Rakanga rakazvifukidza uso namapapiro maviri, namamwe maviri rakazvifukidza makumbo richibhururuka namamwe maviri. Aidaidzirana achiti: “Munoera, Munoera, Munoera! Imi Tenzi wehondo nehondo pasi pose pazere nembiri yenyu.”
Isaya 6:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo. Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake.
Isaya 6:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)