Isaya 6:2-3
Isaya 6:2-3 SUB1949
Kumsoro kwake kwakaŋga kumire serafimi; imŋe neimŋe yakaŋga inamapapiro matanhatu; namaʋiri yakafukidza ciso cayo, namaʋiri yakafukidza makumbo ayo, namaʋiri yakaŋga icibururuka nawo. Imŋe yakaɗanidzira kuneimŋe, iciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Jehova wehondo; nyika yose izere nokubginya kwake.

