Isaya 59:15-19
Isaya 59:15-19 SNA2002
Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa. Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi. Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva. Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.

