Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 34:1-17

Isaya 34:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo! Jehovha akatsamwira ndudzi dzose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe. Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo. Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde. Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose. Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu. Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni. Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesafuri; nyika yayo ichava namo inopfuta! Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa; hapana munhu achazopfuura napozve. Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza. Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo, machinda ake ose achapera. Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi. Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora. Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro. Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete. Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 34

Isaya 34:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Swederai, imi marudzi avanhu, munzwe, tererai imi vanhu; nyika ngainzwe, nezvose zvayo, pasi pose, nezvose zvinobudamo. Nokuti Jehovha akatsamwira marudzi ose, ane hasha nehondo dzawo dzose; akavaparadza chose, akavaisa pakuurawa. Vakaurawa vavo vacharaswa kunze, kunhuwa kwezvitunha zvavo kuchakwira, makomo achanyauswa neropa ravo. Hondo dzose dzokudenga dzichanyakatika, denga rose richapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzichaoma, sokuoma kwamashizha pamudzambiringa, uye seshizha rinooma pamuonde. Nokuti munondo wangu wanwa ukaguta kudenga; tarirai uchaburukira pamusoro paEdhomu, napamusoro pavanhu vakatukwa neni, kuti vatongwe. Munondo waJehovha uzere neropa, unobwinya namafuta, neropa ramakwayana nerembudzana, namafuta etsvo dzamakondobwe; nokuti Jehovha ane chibayiro chake paBhozira, nokubaya kukuru panyika yaEdhomu. Nyati dzichawa pamwechete navo, nenzombe pamwechete nehandira; nyika yavo ichabatwa neropa, guruva ravo richazara namafuta. Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva, negore rokutsiva zvakaitirwa Zioni. Hova dzayo dzichashanduka namo, guruva rayo sariferi, nyika yayo ichaitwa namo inopfuta. Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi; richava dongo kusvikira kumarudzi namarudzi; hakuna munhu angapfuura noko nokusingaperi. Asi zvichava zvehukurwizi nenungu; zizi negunguo zvichagaramo; achatambanudzirapo rwonzi rwokuparadza nechokururamisa chezvisina chinhu. Vakuru vayo vachadanirwa kuushe, asi havangavipo; machinda ayo ose achava pasina. Minzwa ichamera mudzimba dzamadzimambo ayo, hutumbambeva norukato munhare dzayo; huchava hugaro hwamakava, nenzvimbo yemhou. Zvikara zvomusango zvichasangana namapere, mweya wakaipa uchadana shamwari yawo; zvirokwazvo, chikara chousiku chichagarapo norugare, chichiwanapo nzvimbo yokuzorora. Rovambira ichaita dendere rayopo, nokukandira, nokuchechenya mazai ayo, nokuunganidza vana vayo mumumvuri wayo; zvirokwazvo, ndipo pachaunganira vhuvhangu, rumwe norumwe neshamwari yarwo. Tsvakai pabhuku yaJehovha, murave; hapana chimwe chezvinhu izvi chichashaikwa, chichashaiwa shamwari yacho; nokuti muromo wangu wakarayira izvozvo, nomweya wake wakazviunganidza. Iye wakazvikandira mijenya, ruoko rwake rwakazviganhurira nyika norwonzi; ichava yazvo nokusingaperi, vachagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 34

Isaya 34:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Swederai padyo imi marudzi avanhu muzonzwa, tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu. Nyika ngaiteerere nezvose zviri mairi naipo pasi pose nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi, nokuti Tenzi avirukira nehasha marudzi ose avanhu ashatirirwa vose zvavo nouwandi hwavo kudaro avatemera kuparadzwa avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa. Zvitunha zvavo zvichanzi hupukupu kuraswa kunze, zvitunha zvavo zvichaita gutukutu kunhuwa. Makomo achayerera ropa ravo. Gurusvusvu rezvomudenga richaora, matenga omonwa sebhuku rokumononora gurusvusvu razvo zvose richidonha samashizha anosasamuka mumugirepisi samashizha ari kusasamuka mumukuyu. Chikonzero ndechokuti bakatwa rangu ranwa rikaguta nezvokumatenga, hero, rava kuburuka kuzoranga Edhomu pavanhu vandatemera kuparadzwa. Tenzi ane bakatwa bakatwa racho rizere ropa rakanunirira namafuta neropa rehwayana nerembudzi namafuta etsvo dzehondohwe nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira kukatakazhwa chaiko kwavanhu munyika yeEdhomu. Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba. Nyika yavo ichanyata neropa ivhu ravo rakoreswa namafuta nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza gore rokudzosera achitsividzira Zioni. Hova dzeEdhomu dzichasandurwa dzikasviba setara ivhu ravo richaita somoto wesarufa nyika yavo ichava setara iri kutsva siku nesikati isina anogona kudzima utsi hwayo huchatogoka mudenga nokusingaperi. Ichagara chizvarwa nechizvarwa isina anoishandisa hapana anenge achipfuura nemo kudzamara narini wose. Asi inenge yatova zvayo mumaoko morukodzi nenungu, nezizi negunguo zvotogara zvazvo imomo. Achakaka tambo yemanyongori pamusoro payo, nokuimutsira nyonganyonga inorema sekasimbi kokukakisa nako tambo yokuvakisa. Vachazoitumidza zita rokuti “Kasinaumamboikoko” machinda ayo achange ari vanhu pasina. Minzwa ichakura zvayo munhare dzayo dzokuzvidzivira muhondo nadzo, uye unye namakwenzi eminzwa mumaguta ayo etsvingo. Ichange yava dambiro ramakava nomusha wemhou. Mhuka dzesango dzichasangana namapere, madzimudzangara achidaidzirana namamwe awo madzangaradzimu. Ehe, imomo ndomuchapindwa nomweya werima uchizviwanira pokuzororera. Zizi richazvivakira zvaro dendere imomo nokutokandira zvaro mazai richizoachochonya nokutozovhumbamirawo vana varo mumumvuri waro. Ehe, njerere dzichaunganidzana imomo dziri mbiri mbiri, jongwe nesheshe yaro. Zvitsvakei izvozvi muchazviverenga muBhuku raTenzi, hakuna nechimwe chaizvozvi izvi chichazenge chisimo zvose zvichange zviri chikono nechikadzi nokuti ndizvo zvatemwa nomuromo waTenzi Mweya wake ndouchazviunganidza. Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho akazvitarira mutsetse noruoko rwake achizvigovanisa uchava mugove wazvo narini wose. Zvichagara imomo kwezvizvarwa nezvizvarwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 34

Isaya 34:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Sweɗerai, imi marudzi aʋanhu, munzwe, tererai imi ʋanhu; nyika ŋgainzwe, neɀose ɀayo, pasi pose, neɀose ɀinoɓuɗa’mo. Nokuti Jehova wakatsamŋira marudzi ose, unehasha nehondo dzawo dzose; wakaʋaparadza cose, wakaʋaisa pakuʋurawa. Ʋakaʋurawa ʋaʋo ʋacarashwa kunze, kunhuwa kweɀitunha ɀaʋo kucakwira, makomo acanyauswa neropa raʋo. Hondo dzose dzokuɗeŋga dzicanyakatika, ɗeŋga rose ricapetwa sorugwaro rwakapetwa; hondo dzaro dzose dzicawoma, sokuwoma kwamashizha pamuzambiriŋga, ʋuye seshizha rinowoma pamuʋonde. Nokuti munondo waŋgu wanwa ukaguta kuɗeŋga; tarirai ucaɓurukira pamsoro paEdomi, napamsoro paʋanhu ʋakatukwa neni, kuti ʋatoŋgwe. Munondo waJehova uzere neropa, unobginya namafuta, neropa ramakwaiana nerembudzana, namafuta etȿo dzamakondobge; nokuti Jehova uneciɓayiro cake paBozra, nokuɓaya kukuru panyika yaEdomi. Nyati dzicawa pamŋe cete naʋo, nenzombe pamŋe cete nehando; nyika yaʋo icaɓatwa neropa, guruʋa raʋo ricazara namafuta. Nokuti Jehova unezuʋa rokutsiʋa, negore rokutsiʋa ɀakaitirwa Zioni. Hoʋa dzayo dzicashanduka namo, guruʋa rayo surferi, nyika yayo icaitwa namo inopfuta. Haiŋgadzimŋi ʋusiku namasikati; ʋutsi bgayo ʋucakwira nokusiŋgaperi; ricaʋa ɗoŋgo kuȿikira kumarudzi namarudzi; hakunomunhu uŋgapfuʋura noko nokusiŋgaperi. Asi ɀicaʋa ɀehukurwizi nenuŋgu; zizi neguŋguʋu ɀicagara’mo; ucatambanudzira’po rwonzi rwokuparadza necokururamisa ceɀisinecinhu. Ʋakuru ʋayo ʋacaɗanirwa kuʋushe, asi haʋaŋgaʋi’po; macinda ayo ose acaʋa pasina. Minzwa icamera mudzimba dzamadzimambo ayo, ʋutumbambeʋa norukato munhare dzayo; ʋucaʋa ʋugaro bgamakaʋa, nenɀimbo yemhou. Ɀikara ɀomusaŋgo ɀicasoŋgana namapere, mŋeya wakaipa ucaɗana shamŋari yawo; ɀirokwaɀo, cikara coʋusiku cicagara’po norugare, ciciwana’po nɀimbo yokuzorora. Roʋambira icaita ɗendere rayo’po, nokukandira, nokucoconya mazai ayo, nokuʋuŋganidza ʋana ʋayo mumumvuri wayo; ɀirokwaɀo, ndi’po pacaʋuŋganira ʋuʋaŋgu, rumŋe norumŋe neshamŋari yarwo. Tȿakai pabuku yaJehova, muraʋe; hapanecimŋe ceɀinhu iɀi cicashaikwa, cicashaiwa shamŋari yaco; nokuti muromo waŋgu wakaraira iɀoɀo, nomŋeya wake wakaɀiʋuŋganidza. Iye wakaɀikandira mijenya, ruʋoko rwake rwakaɀiganhurira nyika norwonzi; icaʋa yaɀo nokusiŋgaperi, ʋacagara’mo kuȿikira kumarudzi namarudzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 34

Isaya 34:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)