Swederai padyo imi marudzi avanhu muzonzwa, tererai munzwe imi ndudzi dzavanhu. Nyika ngaiteerere nezvose zviri mairi naipo pasi pose nezvinhu zvose zvazvo zvinobva mairi, nokuti Tenzi avirukira nehasha marudzi ose avanhu ashatirirwa vose zvavo nouwandi hwavo kudaro avatemera kuparadzwa avatemera kuti vakatakazhwe kuurayiwa. Zvitunha zvavo zvichanzi hupukupu kuraswa kunze, zvitunha zvavo zvichaita gutukutu kunhuwa. Makomo achayerera ropa ravo. Gurusvusvu rezvomudenga richaora, matenga omonwa sebhuku rokumononora gurusvusvu razvo zvose richidonha samashizha anosasamuka mumugirepisi samashizha ari kusasamuka mumukuyu. Chikonzero ndechokuti bakatwa rangu ranwa rikaguta nezvokumatenga, hero, rava kuburuka kuzoranga Edhomu pavanhu vandatemera kuparadzwa. Tenzi ane bakatwa bakatwa racho rizere ropa rakanunirira namafuta neropa rehwayana nerembudzi namafuta etsvo dzehondohwe nokuti Tenzi ane chibayiro kuBhozira kukatakazhwa chaiko kwavanhu munyika yeEdhomu. Vacharigirwa pasi pamwechete nenyati nezvigondora zvenzombe uye nehandira dzakasimba. Nyika yavo ichanyata neropa ivhu ravo rakoreswa namafuta nokuti Tenzi ane zuva rake rokutsividza gore rokudzosera achitsividzira Zioni. Hova dzeEdhomu dzichasandurwa dzikasviba setara ivhu ravo richaita somoto wesarufa nyika yavo ichava setara iri kutsva siku nesikati isina anogona kudzima utsi hwayo huchatogoka mudenga nokusingaperi. Ichagara chizvarwa nechizvarwa isina anoishandisa hapana anenge achipfuura nemo kudzamara narini wose. Asi inenge yatova zvayo mumaoko morukodzi nenungu, nezizi negunguo zvotogara zvazvo imomo. Achakaka tambo yemanyongori pamusoro payo, nokuimutsira nyonganyonga inorema sekasimbi kokukakisa nako tambo yokuvakisa. Vachazoitumidza zita rokuti “Kasinaumamboikoko” machinda ayo achange ari vanhu pasina. Minzwa ichakura zvayo munhare dzayo dzokuzvidzivira muhondo nadzo, uye unye namakwenzi eminzwa mumaguta ayo etsvingo. Ichange yava dambiro ramakava nomusha wemhou. Mhuka dzesango dzichasangana namapere, madzimudzangara achidaidzirana namamwe awo madzangaradzimu. Ehe, imomo ndomuchapindwa nomweya werima uchizviwanira pokuzororera. Zizi richazvivakira zvaro dendere imomo nokutokandira zvaro mazai richizoachochonya nokutozovhumbamirawo vana varo mumumvuri waro. Ehe, njerere dzichaunganidzana imomo dziri mbiri mbiri, jongwe nesheshe yaro. Zvitsvakei izvozvi muchazviverenga muBhuku raTenzi, hakuna nechimwe chaizvozvi izvi chichazenge chisimo zvose zvichange zviri chikono nechikadzi nokuti ndizvo zvatemwa nomuromo waTenzi Mweya wake ndouchazviunganidza. Chimwe nechimwe akachipa mugove wacho akazvitarira mutsetse noruoko rwake achizvigovanisa uchava mugove wazvo narini wose. Zvichagara imomo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
Verenga chikamu Isaya 34
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 34:1-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo