Isaya 32:5-7 - Compare All Versions
Isaya 32:5-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota. Nzira dzousina maturo dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
Isaya 32:5-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri. Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa. Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka.
Isaya 32:5-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane.
Isaya 32:5-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ƃenzi haricazonzi munhu wakakudzwa, munyeŋgeri haaŋganzi mukomboreri. Nokuti ɓenzi rinotaura ɀoʋupenzi, mŋoyo waro unoita ɀakaipa, ɀaanoita ɀinomhura Mŋari, nokureʋa ɀiŋgarasha ʋanhu pamsoro paJehova, ɀaanorega kugutisa mŋeya waʋanenzara, nokushaisa ʋanenyota cinonwiwa. Mitoʋo yomunyeŋgeri yakaipa; unofuŋga mano akaipa, kuti aparadze ʋanyoro namashoko enhema, kunyaŋge unoshaiwa acitaura ɀakanaka.
Isaya 32:5-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)