Isaya 32:5-7
Isaya 32:5-7 SCLBD
Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane.

