Hosea 9:7
Hosea 9:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva okurangwa ari kuuya, mazuva okutsiva ava pedyo. Israeri ngaazvizive izvi. Nokuti zvivi zvako zvizhinji kwazvo uye ukasha hwako hwakakura kwazvo. Muprofita anoonekwa sebenzi, nomurume ano mweya somunhu anopenga.
Hosea 9:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru.
Hosea 9:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mazuva okurangwa asvika mazuva okutsiva auya vokwaIsiraeri muchazoziva izvozvo. Kwamuri imi; muporofita, ibenzi romunhu; munhu anenge afemerwa naMweya, munhu anopenga, pari pamusana pouipi hwenyu hwakaipisisa uye pamusana peruvengo rwenyu rwakanyanyisa.
Hosea 9:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru.
Hosea 9:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)