Hosea 9
9
1Regai kufara, imi Israeri, mucifarisisa samarudzi aʋanhu; nokuti makapata, mucisiya Mŋari wenyu; makaɗa muɓairo wokufeʋa pamapuriro ose eɀiyo. 2Ƃuriro neciȿiniro cewaini haɀiŋgaʋagutsi, waini itȿa icaʋanyeŋgera. 3Haʋaŋgagari munyika yaJehova; asi Efraimi ʋacadzokera Egipita, ʋacadya ɀokudya ɀinetȿina paAsiria. 4Haʋaŋgaɗiriri Jehova waini, ɀiɓayiro ɀaʋo haɀiŋgamufadzi; ɀiɓayiro ɀaʋo ɀicaita kwaʋari seɀokudya ɀaʋanocema; ʋose, ʋanoɀidya, ʋacaȿiɓiswa, nokuti ɀokudya ɀaʋo ndeɀaʋo ɀoga, haɀiŋgaȿiki muimba yaJehova. 5Mucaɓateiko nezuʋa reʋuŋgano dzakatarwa, nezuʋa remitambo yaJehova? 6Nokuti tarirai, ʋakabva nokuɗa kwokuparadzwa, asi ʋaEgipita ʋacaʋaʋuŋganidza, ʋeMemfisi ʋacaʋaʋiga; rukato rucaʋatorera ɀinhu ɀaʋo ɀesirveri ɀinofadza; minzwa icaʋa mumatente aʋo. 7Mazuʋa okurobga aȿika, mazuʋa okutsiʋa aȿika; Israeri ʋacaɀiziʋa; muprofita iɓenzi, munhu unomŋeya unopeŋga, nemhaka yokuwanda kweɀakaipa ɀenyu, ʋuye nokuti ruʋeŋgo rukuru. 8Efraimi mushori kunaMŋari waŋgu; kana ari muprofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruʋeŋgo muimba yaMŋari wake. 9Ʋakaɀishatisa ɀikuru kwaɀo, sapamazuʋa eGibea; ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, ucaʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. 10Ndakawana Israeri ʋakaita samazambiriŋga murenje; ndakaʋona madziɓaɓa enyu ʋakaita seɀiɓereko ɀakataŋga kuibva pamuʋonde paŋguʋa yawo yokuɓereka yokutaŋga; asi ʋakaȿika paBaari‐peori, ʋakaɀiisa kuneɀinonyadzisa, ʋakaitwa ɀinonyaŋgadza ʋacifanana neɀaiɗikanwa naʋo. 11Kana ʋari Efraimi, kukudzwa kwaʋo kucabururuka seshiri; kuɓereka hakuŋgaʋi’po, kana kukurirwa, kana kunaka pamuʋiri. 12Kunyaŋge ʋakarera ʋana ʋaʋo, ndicaʋatorera iʋo, kuȿikira kusisinomunhu; ɀirokwaɀo, ʋacaʋa nenhamo ʋo, kana ini ndaʋasiya. 13Seɀandakatsaura Tire, Efraimi ʋakasimŋa pakanaka; asi Efraimi ʋacaɓuɗisira muʋurayi ʋana ʋaʋo. 14Ciʋapai, Jehova — mucaʋapeiko? Ciʋapai ɀiɀaro ɀinoshaya namazamu asinomukaka. 15Ɀakaipa ɀaʋo ɀose ɀiri paGirgari, nokuti ndi’po pandakaʋaʋeŋga; nemhaka yeɀakaipa ɀaʋanoita ndicaʋadziŋga paimba yaŋgu, handicaʋaɗi; macinda aʋo ose akandimukira. 16Efraimi ʋarobga, mudzi waʋo wawoma, haʋaŋgazoɓereki ɀiɓereko; ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋakaɓereka, ndicaʋuraya ʋaɗikanwa ʋakaɓerekwa neɀiɀaro ɀaʋo. 17Mŋari waŋgu ucaʋarasha, nokuti haʋana‐kumunzwa; ʋacaʋa ʋadzuŋgairi pakati pamarudzi aʋanhu.
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018