VaHebheru 13:17-25
VaHebheru 13:17-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu. Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri. Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku. Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai. Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai. Nyasha ngadzive nemi mose.
VaHebheru 13:17-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu. Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. Zvino Mwari worugare, akadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Kristu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Asi ndinokurayirai, hama dzangu, kuti mutende neshoko rokurayira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. Zivai kuti hama yedu Timoti akasunungurwa; kana akakurumidza kusvika, ndinozokuonai pamwechete naye. Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navatsvene vose. VeItariya vanokukwazisai. Nyasha ngadzive nemi mose. Ameni.
VaHebheru 13:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teererai vatungamiriri venyu muchizviisa pasi pavo nokuti vari kufudza mweya yenyu savanhu vachazozvidavirira kana vobvunzwa. Regai vaite izvi vachifara, kwete vakasuwa nokuti hazvina zvazvinokubatsirai. Tinamatireiwo nokuti tine chokwadi chokuti hana dzedu dzakachena. Tine mwoyo unoda kuita zvinhu zvose nemazvo. Ndinokukumbirisai nemwoyo wose kuti muite izvi kuti ndidzorerwe kwamuri nokuchimbidza. Iye Mwari worugare akamutsa Tenzi wedu Jesu kuvakafa akava mufudzi mukuru wehwai pamusana peropa rechitenderano chinogara nokusingaperi. Ngaakurongedzerei nezvose zvakanaka kuti mukwanise kuita kuda kwake achiita zvaanoda mamuri nokuna Jesu Kristu. Iye Kristu ngaarumbidzwe narini narini. Ameni. Ndinokukumbirisai hama dzangu kuti mungotirirawo zvenyu mashoko angu okukurudzira nokuti ndanyora kwamuri muchidimu dimu chete. Ndingade kuti muzive kuti hama yedu Timoti yakasunungurwa. Ndiye wandichakuonai ndiinaye kana akurumidza kuuya. Ndikwazisirei vatungamiri venyu vose navanamati vose. Vanhu vokuItari vanokukwazisai. Chikomborero chenyasha ngachive nemi mose. Ameni.
VaHebheru 13:17-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu. Tinyeŋgetererei; nokuti tinoziʋa kwaɀo kuti tinehana yakanaka, ɀatinoɗa kufamba ɀakanaka paɀinhu ɀose. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti muite iɀoɀo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. Ɀino Mŋari worugare, wakadzosa kuʋakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe weɗu Jesu Kristu, neropa resuŋgano isiŋgaperi, ŋgaakukwanisei paɀinhu ɀose ɀakanaka, kuti muite kuɗa kwake, iye aciita mukati meɗu iɀo ɀinofadza pamberi pake, naJesu Kristu — ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Asi ndinokurairai, hama dzaŋgu, kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. Ziʋai kuti hama yeɗu Timotio wakasunuŋgurwa; kana akakurumidza kuȿika, ndinozokuʋonai pamŋe cete naye. Ndikwazisirei ʋatuŋgamiri ʋenyu ʋose naʋatȿene ʋose. ƲeItaria ʋanokukwazisai. Nyasha ŋgadziʋe nemi mose. Ameni.
VaHebheru 13:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)