Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaHeberu 13:17-25

ƲaHeberu 13:17-25 SUB1949

Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu. Tinyeŋgetererei; nokuti tinoziʋa kwaɀo kuti tinehana yakanaka, ɀatinoɗa kufamba ɀakanaka paɀinhu ɀose. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti muite iɀoɀo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri. Ɀino Mŋari worugare, wakadzosa kuʋakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe weɗu Jesu Kristu, neropa resuŋgano isiŋgaperi, ŋgaakukwanisei paɀinhu ɀose ɀakanaka, kuti muite kuɗa kwake, iye aciita mukati meɗu iɀo ɀinofadza pamberi pake, naJesu Kristu — ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Asi ndinokurairai, hama dzaŋgu, kuti mutende neshoko rokuraira, nokuti ndakakunyorerai mashoko mashoma. Ziʋai kuti hama yeɗu Timotio wakasunuŋgurwa; kana akakurumidza kuȿika, ndinozokuʋonai pamŋe cete naye. Ndikwazisirei ʋatuŋgamiri ʋenyu ʋose naʋatȿene ʋose. ƲeItaria ʋanokukwazisai. Nyasha ŋgadziʋe nemi mose. Ameni.