VaHebheru 10:8-14
VaHebheru 10:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).” Ipapo iye akati, “Ndiri pano, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Akabvisa chokutanga kuti aise chechipiri. Uye nokuda kwenyu ikoku, tichaitwa vatsvene kubudikidza nechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakabayirwa kamwe chete zvikapera. Zuva nezuva muprista mumwe nomumwe aimira achiita ushumiri hwake nokuramba achibayira zvibayiro zvimwe chetezvo, zvisingatongogoni kubvisa zvivi. Asi muprista uyu akati abayira chibayiro chimwe chete chenguva dzose, akagara kurudyi rwaMwari. Kubva panguva iyoyo anomirira kusvikira muvengi wake aitwa chitsiko chetsoka dzake, nokuti nechibayiro chimwe chete akaita kuti vaya vari kuitwa vatsvene vakwaniswe nokusingaperi.
VaHebheru 10:8-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvaanoti pakutanga, “Zvibayiro nezvipo, nezvibayiro zvinopiswa, nezvibayiro zvezvivi hamuna kuzvida; hamuna kufadzwa nazvo,” (zviri izvo zvinobayirwa Mwari sezvinoreva murayiro), ndokuzoti, “Tarirai, ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Anobvisa chokutanga, kuti aise chechipiri. Nokuda ikoku takaitwa vatsvene nechibayiro chomuviri waJesu Kristu, chakabayirwa kamwechete. Mupristi mumwe nomumwe anomira zuva rimwe nerimwe achishumira, nokubayira kazhinji zvibayiro izvozvo zvimwe, zvisingagoni kubvisa zvivi; asi iye akati abayira chibayiro chimwechete pamusoro pezvivi, akagara nokusingaperi kurudyi rwaMwari; kubva zvino achimirira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. Nokuti nechibayiro chimwechete akakwanisa nokusingaperi avo vanoitwa vatsvene.
VaHebheru 10:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo). Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri. Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe. Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo. Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake. Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene.
VaHebheru 10:8-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene.
VaHebheru 10:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)