ƲaHeberu 10:8-14
ƲaHeberu 10:8-14 SUB1949
Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene.

