Hagai 2:9-23
Hagai 2:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
‘Kubwinya kweimba iripo nhasi kuchapfuura kubwinya kweyokutanga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. ‘Uye panzvimbo ino ndichauyisa rugare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.” Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechipfumbamwe, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Hagai, richiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Bvunza vaprista kuti murayiro unorevei: Kana munhu akatakura nyama tsvene mumupendero wenguo yake, uye mupendero ukagunzva chingwa kana nyama yakabikwa, kana waini, kana mafuta kana zvimwe zvokudya, zvichava zvitsvene here?’ ” Vaprista vakapindura vakati, “Kwete.” Ipapo Hagai akapindura akati, “Kana munhu asvibiswa nokubata kwaaita chitunha, akabata chimwe chaizvozvi, ko, chingasvibiswa here?” Vaprista vakapindura vakati, “Hongu chinosvibiswa.” Ipapo Hagai akapindura akati, “ ‘Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Zvose zvavanoita uye zvose zvavanopa sechibayiro ipapo zvakasvibiswa. “ ‘Zvino fungisisai, kubvira pazuva ranhasi, muchidzokera shure, chimbofungai zvazvakanga zvakaita ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro perimwe ibwe mutemberi yaJehovha. Munhu aiti kana achinge asvika pamurwi wezviyero makumi maviri, paingova negumi chete. Munhu aiti kana asvika pachisviniro chewaini achida kuchera zviyero makumi mashanu, kwaingova nezviyero makumi maviri chete. Ndakarova mabasa ose amaoko enyu nenyunje, nokuvhuvha nechimvuramabwe, asi hamuna kutendeukira kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Kubvira pazuva ranhasi zvichienda mberi, kubvira pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, fungisisai zuva riya rakateyiwa nheyo dzetemberi yaJehovha. Fungisisai izvozvo: Ko, muchine mbeu yakasara mudura here? Kusvikira zvino, muzambiringa nomuonde, mutamba nomuorivhi hazvina kubereka michero. “ ‘Kubvira pazuva ranhasi ndichakuropafadzai.’ ” Shoko raJehovha rakasvika kuna Hagai kechipiri pazuva ramakumi maviri namana romwedzi richiti, “Udza Zerubhabheri mubati weJudha kuti ndichazungunusa matenga nenyika. Ndichawisira pasi zvigaro zvoushe uye ndichaparadza simba roushe hwavatorwa. Ndichawisira pasi ngoro navafambisi vadzo; mabhiza navatasvi vawo zvichawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake. “ ‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘ndichakutora iwe, muranda wangu, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichakuita sechisimbiso changu, nokuti ndakakusarudza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
Hagai 2:9-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; panzvimbo ino ndichapa rugare ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” Nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, negore rechipiri raDhariusi, shoko raJehovha rakasvika nomuporofita Hagai, richiti, “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Chibvunza vapristi pamusoro pomuriro,’ uti, ‘Kana munhu achitakura nyama tsvene mumupendero wenguwo yake, akagunzva nomupendero chingwa, kana zvakabikwa, kana waini, kana mafuta, kana zvokudya zvipi nezvipi, ko zvava zvitsvene here?’ ” Vapristi vakapindura, vakati, “Kwete.” Ipapo Hagai akati, “Kana munhu, wakasvibiswa nemhaka yokubata chitunha, akagunzva chinhu chimwe chaizvozvi, ko chasvibiswa here?” Vapristi vakapindura, vakati, “Chasvibiswa.” Ipapo Hagai akapindura, akati, “Ndizvo zvakaita vanhu ava norudzi urwu pamberi pangu ndizvo zvinotaura Jehovha; ndizvo zvakaita zvose zvavanoita namaoko avo, uye zvavanobayirapo zvakasvibiswa. Zvino fungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, ibwe rimwe richigere kuiswa pamusoro pebwe muTemberi yaJehovha. Nenguva iyo yose kana munhu achinge asvika pamurwi wezviyo zvezviyero zvina makumi maviri, zvaingovapo zvine gumi; kana munhu akasvika pachisviniro chewaini achiti ndinochera hari dzina makumi mashanu, dzaingovapo dzina makumi maviri. Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha nechimvuramabwe pamabasa ose amaoko enyu; asi hamuna kutendeukira kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha. Chifungai henyu kubva pazuva ranhasi muchidzokera shure, kubva pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wepfumbamwe, kubva pazuva rakateyiwa nheyo dzeTemberi yaJehovha, fungai izvozvo. Ko mbeu ichimo mudura here? Zvirokwazvo, muzambiringa nomuonde nomutamba nomuorivhi hazvina kubereka; kubva pazuva rino ndichakuropafadzai.” Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Hagai nezuva ramakumi maviri namana romwedzi, richiti, “Taura naZerubhabheri, mubati waJudha, uti, ‘Ndichazunungusa denga rose nenyika; ndichawisira pasi zvigaro zvoushe; ndichaparadza simba roushe hwendudzi; ndichawisira pasi ngoro navanofamba nadzo; mabhiza navanotasva achawira pasi, mumwe nomumwe nomunondo wehama yake.’ Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichakutora iwe, Zerubhabheri, muranda wangu, mwanakomana waShearitieri ndizvo zvinotaura Jehovha ndichakuita sechisimbiso; nokuti ndakakusanangura ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.”
Hagai 2:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Runako rweTemberi iyi yeshure ruchava pamberi kupfuura yakare iya. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Nzvimbo ino ndichaiita kuti ibudirire.” Pazuva regumi nerechina romwedzi wechipfumbamwe, muri mugore rechipiri raDhariusi, shoko raTenzi rakauya nokunaHagai muporofita richiti, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo bvunza vapristi mubvunzo uyu vakuudze kuti ndizvo here. Iti, ‘Ko kana munhu akatakura nyama inoera mumukombero wehanzu dzake akazogumha nemukombero iwoyo chingwa, kana kuti bota, kana waini kana mafuta kana chokudya chipi nechipi zvacho, chinobva chava chinoera here?’ ” Vapristi vakati, “Kwete.” Hagai ndokutizve, “Ko munhu anenge an'ora pamusana pokugunzva chitunha iye ozondogumha chimwe chaizvozvi izvi chinobva chan'ora here?” Vapristi vakati, “Chinon'ora.” Hagai ndokuti, “Ndizvo zvimwechete navanhu ava, nerudzi urwu rwavanhu ruri pamberi pangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndizvo zvine basa ramaoko avo kanawo zvavanopira ipapo zvakan'ora.” “Zvino momborangarira izvi mumwoyo menyu zvichaitika kubvira nhasi uno zvichienda mberi. Ko paTemberi iyi yaTenzi pasati paiswa dombo pamusoro perimwe zvaikufambirai sei. Zvaiti kana munhu akaenda pamurwi unezviero makumi maviri aiwana paine gumi chete. Kana munhu aienda kuguvi rewaini kundochera zviero makumi mashanu aiwana muine makumi maviri chete. Ndakakurovai neshamhu uye ndikarovawo basa ramunoita neshamu yechirwere, nechiundudzi nechimvuramahwe. Asi hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Chimbozvifungai kuti kubvira nhasi uno zviri kuenda mberi, kubvira pazuva rechimakumi maviri nechina romwedzi wechipfumbamwe, musi wacherwa ugaro hweTemberi yaTenzi imbozvifungaiwo mune mbeu dzichiri mudura nanhasi handiti? Kusvikira pari nhasi mugirepisi nomuwonde nomupomegraniti, nomuorivhi hapana chairi kubereka handiti. Kubvira pari nhasi ndichakukomborerai.” Shoko raTenzi rakauya rwechipiri kuna Hagai pazuva ramakumi maviri nerechina romwedzi richiti taura kuna Zerubhabhero mutongi wokwaJudha uti, “Ndava kuzozunza matenga napasi. Uye kuzoparadza umambo hwedzinyika, ndava kuda kuzoparadza simba reumambo hwamarudzi ndichikurira ngoro dzehondo nevanenge vakakwiramo, mabhiza acho navatasvi vawo vachati pasi rikiti kuwa vose zvavo vachiurayana namapakatwa. Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi wehondo nehondo ndichakutora iwe, Zerubhabhero, muranda wangu, mwanakomana weShearitieri, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndikuite seringi rechidhindo nokuti ndakusarudza,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Hagai 2:9-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kucapfuʋura kwokutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; panɀimbo ino ndicapa rugare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Cibvunza ʋaprista pamsoro pomurairo, uti: Kana munhu acitakura nyama tȿene mumupendero weŋguʋo yake, akagunɀa nomupendero ciŋgwa, kana ɀakaɓikwa, kana waini, kana mafuta, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, ko ɀaʋa ɀitȿene here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Kwete. Ipapo Hagai akati: Kana munhu, wakaȿiɓiswa nemhaka yokuɓata citunha, akagunɀa cinhu cimŋe caiɀoɀi, ko caȿiɓiswa here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Caȿiɓiswa. Ipapo Hagai akapindura, akati: Ndiɀo ɀakaita ʋanhu aʋa norudzi urwu pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndiɀo ɀakaita ɀose ɀaʋanoita namaʋoko aʋo, ʋuye ɀaʋanoɓayira’po ɀakaȿiɓiswa. Ɀino fuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, ibge rimŋe ricigere kuiswa pamsoro pebge mutembere yaJehova. Neŋguʋa iyo yose kana munhu aciŋge aȿika pamurwi weɀiyo ɀeɀiyero ɀinamakumi maʋiri, ɀaiŋgoʋa’po ɀinegumi; kana munhu akaȿika paciȿiniro cewaini aciti ndinocera hari dzinamakumi mashanu, dzaiŋgoʋa’po dzinamakumi maʋiri. Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva necimvuramabge pamaɓasa ose amaʋoko enyu; asi hamuna‐kutendeʋukira kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Cifuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, kubva pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, kubva pazuʋa rakateyiwa nheyo dzetembere yaJehova, fuŋgai iɀoɀo. Ko mbeu ici’mo muɗura here? Ɀirokwaɀo, muzambiriŋga nomuʋonde nomutamba nomuorivi haɀina‐kuɓereka; kubva pazuʋa rino ndicakuropafadzai. Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaHagai nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi, riciti: Taura naZerubaberi, muɓati waJuda, uti: Ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose nenyika; ndicawisira pasi ɀigaro ɀoʋushe; ndicaparadza simba roʋushe bgendudzi; ndicawisira pasi ŋgoro naʋanofamba nadzo; mabiza naʋanoataȿa acawira pasi, mumŋe nomumŋe nomunondo wehama yake. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicakutora iwe, Zerubaberi, muranda waŋgu, mŋanakomana waSheartieri — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakuita secisimbiso; nokuti ndakakusanaŋgura — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Hagai 2:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)