Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hagai 2:9-23

Hagai 2:9-23 SUB1949

Kubginya kwokupedzisira kweimba ino kucapfuʋura kwokutaŋga — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; panɀimbo ino ndicapa rugare — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika nomuprofita Hagai, riciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Cibvunza ʋaprista pamsoro pomurairo, uti: Kana munhu acitakura nyama tȿene mumupendero weŋguʋo yake, akagunɀa nomupendero ciŋgwa, kana ɀakaɓikwa, kana waini, kana mafuta, kana ɀokudya ɀipi neɀipi, ko ɀaʋa ɀitȿene here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Kwete. Ipapo Hagai akati: Kana munhu, wakaȿiɓiswa nemhaka yokuɓata citunha, akagunɀa cinhu cimŋe caiɀoɀi, ko caȿiɓiswa here? Ʋaprista ʋakapindura, ʋakati: Caȿiɓiswa. Ipapo Hagai akapindura, akati: Ndiɀo ɀakaita ʋanhu aʋa norudzi urwu pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndiɀo ɀakaita ɀose ɀaʋanoita namaʋoko aʋo, ʋuye ɀaʋanoɓayira’po ɀakaȿiɓiswa. Ɀino fuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, ibge rimŋe ricigere kuiswa pamsoro pebge mutembere yaJehova. Neŋguʋa iyo yose kana munhu aciŋge aȿika pamurwi weɀiyo ɀeɀiyero ɀinamakumi maʋiri, ɀaiŋgoʋa’po ɀinegumi; kana munhu akaȿika paciȿiniro cewaini aciti ndinocera hari dzinamakumi mashanu, dzaiŋgoʋa’po dzinamakumi maʋiri. Ndakakuroʋai nenyunje nokuvuva necimvuramabge pamaɓasa ose amaʋoko enyu; asi hamuna‐kutendeʋukira kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Cifuŋgai henyu kubva pazuʋa ranhasi mucidzokera shure, kubva pazuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi wepfumbamŋe, kubva pazuʋa rakateyiwa nheyo dzetembere yaJehova, fuŋgai iɀoɀo. Ko mbeu ici’mo muɗura here? Ɀirokwaɀo, muzambiriŋga nomuʋonde nomutamba nomuorivi haɀina‐kuɓereka; kubva pazuʋa rino ndicakuropafadzai. Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaHagai nezuʋa ramakumi maʋiri namanna romŋedzi, riciti: Taura naZerubaberi, muɓati waJuda, uti: Ndicazunuŋgusa ɗeŋga rose nenyika; ndicawisira pasi ɀigaro ɀoʋushe; ndicaparadza simba roʋushe bgendudzi; ndicawisira pasi ŋgoro naʋanofamba nadzo; mabiza naʋanoataȿa acawira pasi, mumŋe nomumŋe nomunondo wehama yake. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicakutora iwe, Zerubaberi, muranda waŋgu, mŋanakomana waSheartieri — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakuita secisimbiso; nokuti ndakakusanaŋgura — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

Verenga chikamu Hagai 2