Habhakuki 1:12-14
Habhakuki 1:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, ko hamugari nokusingaperi here? Mwari wangu, mutsvene wangu, hatingatongofi. Haiwa Jehovha, makavagadza kuti vatonge; imi Dombo, makavagadza kuti varange. Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa. Sei zvino muchitendera vanyengeri? Ko, munonyararirei kana vakaipa vachimedza vanovapfuura mukururama? Sei makaita kuti vanhu vave sehove dzegungwa, sezvisikwa zvegungwa zvisina mutongi.
Habhakuki 1:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange, Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama; muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
Habhakuki 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inga wani ndimi Chidzachapo nhai TENZI, Mwari wangu, Anoera wangu. Isu hatisi kuzofa Inga imi TENZI makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso imi Dombo, ndimi makaita kuti vasimbarare kuti vave vokuranga. Maziso enyu akaruramisisisa zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa. Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka. Munodarirei kungotarisa zvenyu vanhu vasina kutendeka kana iko kunyarara kwenyu muipi achimedza akarurama kupinda iye? Nokuti vanhu munovaita kuti vave sehove dzegungwa, sezvinhu zvinokambaira zvisina mutongi.
Habhakuki 1:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi Jehova, Mŋari waŋgu, Mutȿene waŋgu, hamuzakaʋa’po kubva pakutaŋga‐taŋga here? Isu hatiŋgafi. Jehova, imi makatema kuti ʋatoŋge, nemi ɗombo, makaʋaisa’po kuti ʋaraŋge. Imi, munameso akaiȿo‐naka, asiŋgaɗi kutarira ɀakaipa, musiŋgaɗi kuʋona ɀisakarurama, munotaririreiko ʋanonyeŋgera, mucinyarara kana wakashata acimedza wakamupfuʋura nokururama; muciita ʋanhu sehoʋe dzeguŋgwa, seɀinokambaira, ɀisinomuɓati?
Habhakuki 1:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)