Imi Jehova, Mŋari waŋgu, Mutȿene waŋgu, hamuzakaʋa’po kubva pakutaŋga‐taŋga here? Isu hatiŋgafi. Jehova, imi makatema kuti ʋatoŋge, nemi ɗombo, makaʋaisa’po kuti ʋaraŋge. Imi, munameso akaiȿo‐naka, asiŋgaɗi kutarira ɀakaipa, musiŋgaɗi kuʋona ɀisakarurama, munotaririreiko ʋanonyeŋgera, mucinyarara kana wakashata acimedza wakamupfuʋura nokururama; muciita ʋanhu sehoʋe dzeguŋgwa, seɀinokambaira, ɀisinomuɓati?
Verenga chikamu Habakuki 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Habakuki 1:12-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo