Genesisi 32:22-32 - Compare All Versions
Genesisi 32:22-32 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki. Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo. Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka. Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu. Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.” Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.” Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.” Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza. Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.” Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake. Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.
Genesisi 32:22-32 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho. Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo. Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye. Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.” Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.” Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.” Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo. Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, “Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.” Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.
Genesisi 32:22-32 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!” Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!” Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.” Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!” Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.
Genesisi 32:22-32 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino wakamuka ʋusiku ubgo, akatora ʋakadzi ʋake ʋaʋiri naʋarandakadzi ʋake ʋaʋiri, naʋana ʋake ʋanegumi nomumŋe, akayambuka pazambuko reJaboko. Akaʋatora, akaʋayambusa parukoʋa, akayambusa ʋo ɀaakaŋga anaɀo. Asi Jakobo wakasara ari oga; mumŋe murume akaita mitsimba naye kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka. Ɀino wakati aciʋona kuti haagoni kumukunda, akamuɓata pahudyu, hudyu ikaniŋguka nemitsimba naye. Iye akati: Cindirega ndiende, nokuti ʋutoŋga bgotȿuka. Iye akati: Handiŋgakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza. Akati kwaari: Zita rako ndianiko — Iye akati: Jakobo. Akati: Zita rako haricazonzi Jakobo, asi Israeri; nokuti wakarwa naMŋari naʋanhu, ukakunda. Jakobo akamubvunza, akati: Ndiʋudzei ʋo zita renyu. Iye akati: Unondibvunzireiko zita raŋgu — Akamuropafadza ipapo. Ɀino Jakobo akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Penieri; nokuti wakati: Ndakaʋonana naMŋari, ʋupenyu bgaŋgu ʋukaceŋgetwa. Zuʋa rikamuɓuɗira acipfuʋura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋadyi nanhasi runda rehudyu riri pafupa rehudyu; nokuti wakaɓata hudyu yaJakobo parunda rehudyu.
Genesisi 32:22-32 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)