Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 32:22-32

Mavambo 32:22-32 SCLBD

Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!” Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!” Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.” Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!” Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.

Verenga chikamu Mavambo 32