Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 24:40 - Compare All Versions

Genesisi 24:40 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 BDSC

Genesisi 24:40 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Iye akati, ‘Jehovha wandinosifamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe, akufambise zvakanaka parwendo rwako; unotorera mwanakomana wangu mukadzi kuhama dzangu nokune veimba yababa vangu

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SNA2002

Genesisi 24:40 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SCLBD

Genesisi 24:40 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Iye akati: Jehova wandinosifamba pamberi pake, ucatuma mutumŋa wake newe, akufambise ɀakanaka parwendo rwako; undotorera mŋanakomana waŋgu mukadzi kuhama dzaŋgu nokunaʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SUB1949

Genesisi 24:40 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 24 SCLB