Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 22:3-10 - Compare All Versions

Genesisi 22:3-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mangwanani akatevera, Abhurahama akamuka akasunga mbongoro yake. Akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaka. Akati atema huni dzechipiriso chinopiswa dzakakwana, akasimuka akaenda kunzvimbo yaakanga audzwa nezvayo naMwari. Pazuva rechitatu, Abhurahama akasimudza meso ake akaona nzvimbo yacho ichiri kure. Akati kuvaranda vake, “Sarai henyu pano nembongoro iyi, ini nomukomana timboyambukira uko. Tichandonamata tigodzoka hedu kwamuri.” Abhurahama akatora huni dzechipiriso chinopiswa akadziisa pana Isaka mwanakomana wake, uye iye pachake akatakura moto nebanga. Pavakanga vachifamba pamwe chete vari vaviri, Isaka akataura nababa vake Abhurahama akati, “Baba!” Abhurahama akati, “Chiiko mwanangu?” Isaka akati, “Moto nehuni zviri pano, asi gwayana rechipiriso chinopiswa riripiko?” Abhurahama akapindura akati, “Mwari pachake ndiye achapa gwayana rechipiriso chinopiswa, mwanakomana wangu.” Vakati vasvika panzvimbo yaakanga ataurirwa nezvayo naMwari, Abhurahama akavaka aritari ipapo uye akaisa huni pamusoro payo. Akasunga mwanakomana wake Isaka akamuradzika paaritari, pamusoro pehuni. Ipapo akatambanudza ruoko rwake akatora banga kuti auraye mwanakomana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 BDSC

Genesisi 22:3-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Abhurahamu akamuka mangwanani, akasunga mbongoro yake, akatora majaya ake maviri naIsaka, mwanakomana wake, akatsemura huni dzechibayiro chinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunzvimbo yaakaudzwa naMwari. Zvino nomusi wetatu Abhurahamu akasimudza meso ake, akaona nzvimbo iyo ari kure. Abhurahamu akati kumajaya ake, “Imi chigarai henyu pano nembongoro, ini nomwana tichaenda ikoko; tichambondonamata, tigodzokera kwamuri.” Abhurahamu akatora huni dzechibayiro chinopiswa, akadzitakudza Isaka, mwanakomana wake; akatora moto nebanga muruoko rwake, vakaenda vari vaviri. Isaka akataura naAbhurahamu, baba vake, akati, “Baba vangu!” Iye akati, “Ndiri pano hangu, mwana wangu.” Akati, “Hoyu moto nehuni; asi gwayana rechibayiro chinopiswa riripiko?” Abhurahamu akati, “Mwari uchatipa gwayana rechibayiro chinopiswa, mwana wangu;” saizvozvo vakafamba vari vaviri. Vakandosvika panzvimbo yaakaudzwa naMwari; Abhurahamu akavakapo atari, akagadzira huni, ndokusunga mwanakomana wake, akamuisa paatari pamusoro pehuni. Zvino Abhurahamu akatambanudza ruoko rwake, akatora banga, kuti abaye mwanakomana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SNA2002

Genesisi 22:3-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Abrahama akamuka maŋgwanani, akasuŋga mboŋgoro yake, akatora majaya ake maʋiri naIsaka, mŋanakomana wake, akatsemura huni dzeciɓayiro cinopiswa, ndokusimuka, akaenda kunɀimbo yaakaʋudzwa naMŋari. Ɀino nomusi wetatu Abrahama akasimudza meso ake, akaʋona nɀimbo iyo ari kure. Abrahama akati kumajaya ake: Imi cigarai henyu pano nemboŋgoro, ini nomŋana ticaenda ikoko; ticambondonamata, tigodzokera kwamuri. Abrahama akatora huni dzeciɓayiro cinopiswa, akadzitakudza Isaka, mŋanakomana wake; akatora mŋoto neɓaŋga muruʋoko rwake, ʋakaenda ʋari ʋaʋiri. Isaka akataura naAbrahama, ɓaɓa ʋake, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu! Iye akati: Ndiri pano haŋgu, mŋana waŋgu. Akati: Hoyu mŋoto nehuni; asi gwaiana reciɓayiro cinopiswa riripiko? Abrahama akati: Mŋari ucapa amene gwaiana reciɓayiro cinopiswa, mŋana waŋgu; saiɀoɀo ʋakafamba ʋari ʋaʋiri. Ʋakandoȿika panɀimbo yaakaʋudzwa naMŋari; Abrahama akaʋaka’po artari, akagadzira huni, ndokusuŋga mŋanakomana wake, akamuisa paartari pamsoro pehuni. Ɀino Abrahama akatambanudza ruʋoko rwake, akatora ɓaŋga, kuti aɓaye mŋanakomana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SUB1949

Genesisi 22:3-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Abhurahamu akafumomuka akaisa chityaro padhongi rake akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaki. Akatema huni dzokupisa nadzo mupiro wokupisa, ndokusimuka oenda kunzvimbo yaakanga audzwa naMwari. Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe. Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.” Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri. Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?” Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo. Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni. Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake.

Pakurirana nevamwe
Genesisi 22 SCLB

Genesisi 22:3-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Genesisi 22 SCLBD