Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 22:3-10

Mavambo 22:3-10 SCLB

Abhurahamu akafumomuka akaisa chityaro padhongi rake akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaki. Akatema huni dzokupisa nadzo mupiro wokupisa, ndokusimuka oenda kunzvimbo yaakanga audzwa naMwari. Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe. Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.” Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri. Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?” Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo. Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni. Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake.

Verenga chikamu Mavambo 22