Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaGaratia 3:1-4 - Compare All Versions

VaGaratia 3:1-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? Makatambudzika zvakadai pasina here, kana zvechokwadi zvakanga zviri pasina?

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 BDSC

VaGaratia 3:1-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SNA2002

VaGaratia 3:1-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Imi ʋaGaratia ʋokusafuŋga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pacena pamberi pameso enyu akaroʋerwa pamucinjikwa? Iceci ɓedzi ndinoɗa kunzwa kwamuri: Makapiwa Mŋeya namaɓasa omurairo here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri ʋokusafuŋga ʋakaɗaro seiko? Makataŋga muMŋeya, ko ɀino mopedzisa munyama here? Makatambudzika ɀikuru mukaɗai pasina here? Kana ɀaiʋa pasina haɀo!

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SUB1949

VaGaratia 3:1-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SCLB

VaGaratia 3:1-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina

Pakurirana nevamwe
VaGaratia 3 SCLBD