Vagaratiya 3:1-4
Vagaratiya 3:1-4 SNA2002
Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo!

