Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratia 1:6-9

Vagaratia 1:6-9 SCLBD

Munondishamisa kuti mavakusiya nokukurumidza kudai iye akakudaidzai nenyasha dzaKristu muchipindukira kune rimwewo Shoko Rakanaka. Zvisingarevi zvazvo kuti kuna rimwezve Shoko Rakanaka asi kuti kune vamwe vanokutambudzai vachida kuminamisa Shoko iroro Rakanaka raKristu. Kunyange dai tirisu kana mutumwa anobva kudenga achikuparidzai Shoko rinopesana neratakakuparidzai ngaave nerushambwa. Sezvatakambotaura kare ndinotaurazve zvino ndichiti kana pano munhu ari kukuparidzai Shoko Rakanaka rinopesana neramakambogamuchira ngaave norushambwa.

Verenga chikamu Vagaratia 1