Ezira 6:13-22
Ezira 6:13-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo, nokuda kwechirevo chakanga chatumirwa naMambo Dhariasi, Tatenai mubati wemhiri kwaYufuratesi, naShetari-Bhozenai neshamwari dzavo vakaita izvi nenzira yakanakisisa. Nokudaro vakuru vavaJudha vakaenderera mberi nokuvaka uye vakabudirira vachiparidzirwa naHagai muprofita naZekaria mwanakomana waIdho. Vakavaka temberi vakaipedza sokurayirwa kwavakanga vaitwa naMwari weIsraeri nechirevo chaSirasi, Dhariasi naAtazekisesi madzimambo ePezhia. Temberi yakapera kuvakwa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariasi. Ipapo vanhu veIsraeri, vaprista, vaRevhi uye navamwe vose vakanga vakatapwa, vakapemberera kukumikidzwa kweimba yaMwari nomufaro. Pakukumikidzwa kweimba iyi yaMwari vakabayira hando zana, makondobwe mazana maviri, namakwayana makono mazana mana uye sechipiriso chechivi chavaIsraeri vose, vakabayira nhongo dzembudzi gumi nembiri, imwe ichimirira rudzi rumwe norumwe rwaIsraeri. Vakagadza vaprista mumapoka avo uye navaRevhi muzvikwata zvawo kuti vaite basa raMwari paJerusarema, sezvazvakanyorwa muBhuku raMozisi. Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga, vatapwa vakapemberera Pasika. Vaprista navaRevhi vakanga vazvinatsa uye vose vakanga vanatswa. VaRevhi vakabayira vatapwa vose gwayana rePasika, vakabayirawo hama dzavo vaprista naivo vamene. Nokudaro vaIsraeri vakanga vadzoka kubva kuutapwa vakaidya, pamwe chete navose vakanga vazvitsaura kubva pazviito zvisina kururama zvaiitwa navavakidzani vavo vokune dzimwe ndudzi, kuti vatsvake Jehovha, Mwari waIsraeri. Kwamazuva manomwe vakapemberera nomufaro Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, nokuti Jehovha akanga avapa mufaro nokushandura mwoyo wamambo weAsiria, kuti avabatsire pakuitwa kwebasa reimba yaMwari, iye Mwari weIsraeri.
Ezira 6:13-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Tatenai mubati wenyika mhiri kworwizi, naShetaribhozenai, namakurukota dzavo, vakaita izvozvo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakanga ratumwa namambo Dhariusi. Vakuru vavaJudha vakavaka, vakapfuurira mberi zvakanaka, vachisimbiswa nokuporofita kwaHagai, muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Vakavaka, vakaipedza, sezvakarairwa naMwari waIsiraeri, uye nechirevo chaKoreshi, naDhariusi, naAritashasita mambo wePerisia. Imba iyi ikapedzwa nezuva retatu romwedzi weAdhari pagore retanhatu rokubata ushe kwamambo Dhariusi. Vana vaIsiraeri navapristi, navaRevhi, navamwe vakanga vatapwa vakatsaurira Mwari imba iyi nomufaro. Vakabayira pakutsaura imba iyi yaMwari nzombe dzine zana rimwe, namakondobwe ana mazana maviri, namakwayana ana mazana mana; uye nhongo dzembudzi dzine gumi nembiri, dzakaenzana namarudzi avaIsiraeri, chive chipiriso chezvivi chavaIsiraeri vose. Vakagadza vapristi pamakamu avo, navaRevhi pamapoka avo, pabasa raMwari paJerusaremu; sezvakanga zvanyorwa pabhuku yaMosesi. Vatapwa vakaita Pasika nezuva regumi namana romwedzi wokutanga. Nokuti vapristi navaRevhi vakanga vazvinatsa nomwoyo mumwe; vose vavo vakanga vanatswa; vakabayira vatapwa vose Pasika, nehama dzavo dzavapristi, naivo vamwene. Ipapo vana vaIsiraeri, vakanga vadzoka pakutapwa, vakadya, ivo navose vakanga vazvitsaurira kwavari vachibva pamatsvina avahedheni venyika iyo, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsiraeri; vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha akanga avafadza, akarereudzira mwoyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsiraeri.
Ezira 6:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi. Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya. Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi. Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara. Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri. Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi. Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi. Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri.
Ezira 6:13-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Tatenai muɓati wenyika mhiri kworwizi, naShetari‐bozenai, neshamŋari dzaʋo, ʋakaita iɀoɀo nokukurumidza, nemhaka yeshoko rakaŋga ratumŋa namambo Dariusi. Ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakaʋaka, ʋakapfuʋurira mberi ɀakanaka, ʋacisimbiswa nokuprofita kwaHagai muprofita naZekaria mŋanakomana waIdo. Ʋakaʋaka, ʋakaipedza, seɀakarairwa naMŋari waIsraeri, ʋuye necireʋo caKoreshi, naDariusi, naArtashasta mambo wePersia. Imba iyi ikapedzwa nezuʋa retatu romŋedzi weAdari pagore retanhatu rokuɓata ʋushe kwamambo Dariusi. Ʋana ʋaIsraeri naʋaprista, naʋaRevi, naʋamŋe ʋakaŋga ʋatapxa ʋakatsaurira Mŋari imba iyi nomufaro. Ʋakaɓayira pakutsaura imba iyi yaMŋari nzombe dzinezana rimŋe, namakondobge anamazana maʋiri, namakwaiana anamazana manna; ʋuye nhoŋgo dzembudzi dzinegumi nembiri, dzakaenzana namarudzi aʋaIsraeri, ciʋe cipiriso ceɀiʋi caʋaIsraeri ʋose. Ʋakagadza ʋaprista pamakamu aʋo, naʋaRevi pamapoka aʋo, paɓasa raMŋari paJerusarema; seɀakaŋga ɀanyorwa pabuku yaMosesi. Ʋatapxa ʋakaita paseka nezuʋa regumi namanna romŋedzi wokutaŋga. Nokuti ʋaprista naʋaRevi ʋakaŋga ʋaɀinatsa nomŋoyo mumŋe; ʋose ʋaʋo ʋakaŋga ʋanatswa; ʋakaɓayira ʋatapxa ʋose paseka, nehama dzaʋo dzaʋaprista, naiʋo ʋamene. Ipapo ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋadzoka pakutapxa, ʋakadya, iʋo naʋose ʋakaŋga ʋaɀitsaurira kwaʋari ʋacibva pamatȿina aʋahedeni ʋenyika iyo, kuti ʋatȿake Jehova Mŋari waIsraeri; ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe; nokuti Jehova wakaŋga aʋafadza, akarereʋudzira mŋoyo wamambo weAsiria kwaʋari, kuti asimbise maʋoko aʋo paɓasa reimba yaMŋari waIsraeri.
Ezira 6:13-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)